Kusvika Kwavo Mwa Seke
1 Matenga vasvika munyika yaMambo Seke, pasabhuku Kandawa mumusha waChihota.
2 Vasvika paChihota, navo vaChihota vanzwa kutaura kwababa shoko raMwari.
3 Vakabuda vakadaidza murume anonzi Madziyauswa.
4 Vawona nekutaura kweMatenga vese wakagutswa ndizvo.
5 Pakanga painemumwe mudzimai akanga anetseka nenhumbu yake.
6 Matenga vakati nhumbu yemudzimai uyu yakachinjika.
7 Vakati chiregai kutya zvenyu ndasvika ini.
8 Achabara mwana wemusikana anonzi Vaireti. Asi mudiki diki kwazvo, zvikaitikawo seizvozvo.
9 vanhu vanzwa izvi, vakavamba kuuya padiki nepadiki, vakavamba kutadza nekukwana mumba.
10 Vakatsaka zano rekuita. Kwakafungiwa zano rokuti pavakiwe kamusasa pekuti vanhu vanamatire.
11 Vanhu vakunamatira imomo, mweya yetsvina yakavamba kubuda madhimoni, achitaura ndimi nendimi dzakatsaukana, dzayitaura mhosva dzadzo, nezvayinoda kuti yiripwe.
12 Kana yabva mweya uyoyo, vaisara pecibuda masimba eMatenga mweya unoyera.
13 masimba eMatenga akabva awanda kwazvo.
14 Kuti yidzinge mweya yetsvina yayibuda ipapo.