Harare Yinoburitsirwa Basa Rose Pachena
1 Hama neshamwari tarirai vanodaro Matenga .
2 Harare mwana wedangwe chitarira iye zvino Basa rose iri riri kuitwa pachena iye zvino.
3 Tsoka dzako maziso ako nenzeve dzako dzawona dzichinzwa zvine mhosva pamberi paBaBa.
4 Bva zvandakatumwa zvacho, ndizvozvi mukati meAfrica.
5 Hevo maBasa ari pamberi aya andakauyanawo acho.
6 pipi rekutanga pakaBerekwa mwana wakashamisa kwazvo paSvondo yekutanga.
7 akagara ega pasi mudivi achandobva kuzvarwa, kuratidza chokwadi chandakauya nacho.
8 Akati mangwanani eSvondo yekutanga Matenga vakati musangano uno ndewe masoja Vakapfeka mabanhire.
9 ndakawona zvirume zvakanga zvakafuta zvakaapakatira zvichiwirikidza musiki vazvo.
10 Zvakange zvakodzereswa neMatenga, Zvimwe zvakanga zvine maBikatwa marefu muzviuno zvavo.
11 Mukati memapuranga akanga aripo gwayana rikati iJiri re vatumwa.
12 zuva iroro vatumwa vakaBuritswa vachitinhira, zvikava nekutyisa nekushamisa vakanga Vauya kuzowona.
13 Rakati zuva iroro Matenga vamire pakati pedivi.
14 rasheedzera zvifananidzo mukati mevanhu.
15 zvifananidzo Zvakawuya zvakanyanya kwazvo, vanhu vakashamiswa.
16 vanhu vakawona kuBuritswa kwe madhimoni pa vanhu.
17 madhimoni ivavo ayitaura zvikonzero zvaakadzingwa ndizvo kudenga.
18 zvino yaiti yareurura yapedza yayikwidzwa mudenga pameso avo.
19 vanhu ava vainga vanowona asi vakanga vasinga wonesesi.
20 Masoja navana Mariya dzanga dzava mhondoro pamweya kutaura chokwadi .
21 Shoko ravo chaiwa chigumbuso mukati menyika.
22 Shoko ravo raiti rikasvika pamunhu, raibvarura nekuti rakange riri shoko rechokwadi.
23 ndivo vatumwa vedenga vakanga vakagara pamunhu umwe neumwe.
24 Vayiti kana vopararidza vakanga vasinga nyenyeredzi chivi kwete.
25 Asi vakanga wachirera zvavakanga vari zvacho kare vachiri munyika
26 Pekarepo ndakavawona varoyi vachisimuka vachitsanagura uroyi hwavo pachita chizere vanhu.
27 Dzanga dziri mhombwe dzichitaura upombwe hwadzo.
28 Dzakanga dziri mbavha dzichitsanangura umbava hwavo.
29 Dzakanga dziri n'anga dzichitsanangudza un'anga hwadzo pachena, nekunyebera kwavakanga vachiitira vanhu munyika.
30 Asi Matenga vauya vakati kwete kwete hazvidiwi mwanangu mudenga ungando raswa.
31 Zvirema zakasimuka zvakauya zvisingafambi zvikafamba pamberi pavo.
32 Mhanje dzemakore dzakasimuka dzakagara munyika dzisina vana, dzikaratidza vana dzavakapihwa neMatenga.
33 Dzakatozowona vana nepamusana peiyeyu une mashura nezviratidzo zakadare.
34 Mapofu ne mhetamakumbo dzakapupurawo nekuponeswa kwadzo.
35 vazhinji zhinji vakapupura vandisina kunyora.
36 vanhu vawona chokwadi cheMatenga Vakatangisa kunoreurura.
37 Mukati mekureurura vanhu ava vayiwuya nezvinhu zvakatsaukana kuti zvizopiswa.
38 Zvaiva huroyi, makona, zuma, nyoka ne mazako aka tsaukana.
39 Zvinhu Izvozvo zvaipiswa nen'anga dzeguta Beta James na Muparutsa.