Guta Ra Jehova
Lesson 160

Kusarudzwa KwevaVhangeri MuGuta Ra Va Jehova

1 zviro kwazvo zviro kwazvo baba vadzika munyika vakauya nechaedza chinoshamisa nyika yikazunguzika.

2 baba vadzika vakatangisa kuita basa rikatangisa kukura padiki nepadiki.

3 zvino rakati rataurirana naBaba waro vari mudenga rakatangisa kugadza vavhangere muGuta.

4 vamwe vavo vakagadziwa kuGuta ravo vamwe muGuta itsva.

5 muvhangeri Nyamandura anotaura huchapupu hwake pakutangisa kweBasa raMatenga, akanzi ndi Johane.

6 muvhangeri mukuru nyamandura vakati angweyiwa neruwoko runoyera akawuyawo paSeke.

7 Vakareurura mumba vachisoteurirwa imomo neMatenga vachiri kutangisa basa.

8 Panguva idzodzo Matenga vakanga vechisoreurusa voga mbune.

9 Agara Mazuva akati mukuti akati kugwayana ndingabvumirwewo here kuti ndimbodzoko kumusha kwangu.

10 Shoko rikati vabatwa navaJehova hauchaenda zvakare.

11 Ndozuva revakabva vapiwa uvhangeri.

12 Mumashure basa rikakura pakaitwa misasa, vanhu vachiuya achivarairai kureurura kwaizoita kana Matenga vawamo.

13 Wayiti huvhangeri vakati kuparidzazve, dzimara pakazotsakwa mabarani wekunyora vanhu vese vaiwuya, pachibva patangisa Kuvakwa dzimba.

14 Kukazoitwawo vamwe vavhangeri navachikwengera.

15 Unodaro muvhangeri uyu ndazviwonera vanhu vashe nemeso wangu ano.

16 Mbewewe dzichitaura, Mapenzi ayiwuya achipenga zvakanyanya achienda avamunhu kwaye.

17 vaiwa netsiyo dzaipera, dzaiva mbavha dzikarapiwa umbavha hwadzo zvino havachabi.

18 Mhombwe, Zvirema, mapofu, mhanje nezvizhinji zvakaita negwayana pamberi pangu ndichiwona, kusiri kuziva kwangu asi Ivo Matenga rinoziya.

19 Saka tsamba ra Pita rinodaro pakutsuurwa naJesu, anonzi Pita unondida here kukunda zvose.

20 Anodaro muvhangeri nyamandura wakanzi ndi Johane.

21 Saka nanhasi ndiri mukati meguta Matenga vakandiita hoko muno.

22 Nanhasi ndakasiya nemhuri yangu, Nekuti ndakasangana na vaJehova ndichiri mupenyu, wuyezve sandikuziya kwangu, tarisa zvakazarurwa 21–1–4.

23 Wuyezve ini Matenga ndinovatenda nekuti upenyu hwandiinaho ndiro rakandipa.

24 Kouya muvhangeri Mhundwa wakagadzwa neMatenga akanzi ndi Jobo.

25 Anodaro mukupupura kwake mabasa makuru akaitwa pamberi peusuhwangu.

26 Ayo andisingapedzi kwatsanangudza, bedzi ngatikudzeyi vaJehova.

27 Ndinerombo rakanaka nekuti ini ndakadanidzwawo mubokairi, reupenyu husingaperi.

28 Nhamo nemadzudzo zvandakanga ndiinazvo munyika ndikayamurwa navaJehova.

29 Kukazogadzwa muvhangere Chareka akanzi ndiKropasi.

30 Anodarowo kutaura ndakauya ndakaremerwa ndikayamurwa neMatenga.

31 Ndikawona mabasa makuru akatwa pamberi peusu hwangu, zvishamiso nezvishamiso.

32 Chikomborero Africa, takadiwa vanhu vashe, bedzi kudzikisa pfungwa pakadzama.

33 Kouya muvhangeri Tekekeshe akanzi ndi Stephen.

34 Ndi yeye achidaro mukupupura, ndakauya ndiine mwana akanga asina magodo mumuviri vake.

35 Asi baba vakaisa voga magodo akatangisa kufamba achibva aroora.

36 Kunze kweIzvozvo gwayana rakandiyamura zvizhinji wuye rikandipazve pfuma zhinji.

37 Kukazogadzwa muvhangeri Nyakunu.

38 Anodaro mukupura kwake vaJehova makanga muripiko nyika yakanga yatiuraya.

39 Mabasa makuru amakauya navo, mhuri yangu mukayiponesa.

40 Ndichitendesa vaJehova vakandida, ndichitendesazve mabasa andakawona, nemeso wangu ano.

41 Ndichitendesazve waGombakomba na mambo Zimumya ne Mudziti nehurumende wakatipa chidimbu chenyika ichi kuti gwayana riwone kutiponesa.

42 Umambo hwe British ndinohutenda nekuti hwakabvumirana neizvi.

43 Dai hwakanga husiriho zvichida zvingadai zvirikudzimwe nyika.

44 zvino ini ndinovatenda vaJehova vakarangana vakaita izvi.

45 Dai Matenga varega kuzoti kanganwawo muma gumo eizvi nekusingaperi. Amen.