Chishamiso Chakasiya Baba Munyika
1 Chishamiso chakasiya Matenga munyika, vanhu vakanga vari muGuta nevakanga vari munyika.
2 Asi zvikanzi Guta ravo nebasa ravo rafa, Sezvo ivo vakati iri Guta ndiro rekupedzisira handichazovaki rimwezve.
3 Tose takakanganwa kuti Matenga vakataura pachena kuti, basa rangu harichafi inga rakuru zvakadayi.
4 Vakati nyangwe ndopfuura munyika basa rangu harichafi kwete.
5 Mukati me Guta umu vanhu varikupona bedzi.
6 Nanhasi kana ukasvika muGuta rababa muJerusarema maZimunya.
7 Mhanje dzemakore unodziwona nevana vadzo dzichichirira dzochikudza musiki wadzo wedzakawona.
8 Kwete kuchaswera dzichichanyengedzwa, neizi neizvi hava chada nekuti havana kutaurirwa vakamuwona musiki pachokwadi.
9 Mhanje idzi dzirikubereka vana ve 7 makore 8 makore va 9 ne 10 makore vachanoberekwa bedzi, sekutaura kwavo Matenga .
10 Hapana chino rambidza, kushingirira hakunyadzisi pakadaro baba.
11 Nanhasiuno parikuzvarwa bedzi muGuta pana vemweya, vatokwana mazana matatu ano raudza (300) nanhasi vari kuzvarwa.
12 Vana vemweya ava pakatozvarwa Matenga vapachigaro, ndivo vana vemhanje dzepaishingaira pasi pezuva vakashaya nezororo.
13 Rimwe pipi rekutanga nderekuwuya kwevanhu vatsva muGuta Svondo nesondo.
14 Hatizivi kuti unovakoka ndiyani, asi Matenga bedzi.
15 Chishamiso, vuye zakaoma kuti munhu asunge mukwende yake nemhuri yake.
16 Kuti abve munyika kuti azowuya kuzopona, asi muridzi asisipo panyama, zvakaoma wuyezvinotoda kuyisa pfungwa pakadzama vanhu vashe.
17 pipi rimwe rechipiri ndere vanouya vakatwarwa vachirwara zvakanyanya.
18 Asi vasvika pagedhi muGuta voreurura bedzi pana mabarani wopona.
19 Wozosara wopinda mukati meguta watopona wotochirirawo sevamwe varimo.
20 Pipi rimwe rechitatu ndere rufu muGuta hamusisina isu tinototi Matenga vakatakura rufu rwose.
21 Mukati meguta iri re Jerusarema kukudza musiki bedzi ndiho upenyu.
22 Tayifanirwa kuvakudza baba vedu ava nekuti vakashanda basa rinotyisa chaizvo.
23 pipi rimwe rechina ndere kwakwa kwakaitwa Gambinga Chiroza muGuta kunoshamisa kana wakuwona.
24 Ne Guta rinogara rakachena nguva dzese dzese zvavaita zviya Matenga vachiri panyama.
25 Uye nekusimbirira kuda Guta kunoita vanhu kunoshamisa.
26 nekuti vanoziya kuti ndimo mudziva muneupenyu hwavo bedzi.
27 Takati tadzoka muGuta, Matenga ava vakawonekwa nevanhu vazhinji zhinji.
28 Vamwe vakavawona vari pazuva, vamwe vakaona bhokisi ravo, richiuya nepamusoro pengarava yavo rechitenderera.
29 Vamwe vakawona Matenga vachiwuya muGuta varipagore, vachiuya pamusoro pengarava yavo.
30 Irori ndiro Jerusarema remukati meAfrica revakashingaira noga baba, saka vakati vanangu iri indanda warasika.
31 Vamwe vanhu vaiwona Matenga ava vachifamba pangarava yavo nemaziso avo enyama.
32 Chinhu ichi chikuru wuye tisakachenjera tinopera ndicho.
34 izvi Zvakaratidza kuti Matenga mweya, kudzadisa shoko ravo riye revakataura.
35 Asi chimwe chindhu ndechichi kudzoka kwakazoita vanhu kubva kwaZvimba.
36 Pakati pemaboka aya havana kuzozwana kwete, dzimara nanhasi uno.
37 zvino ipopa zvava kuMatenga kuti ndivo vachagadzirisa voga Sezvo vakambovako kawani vakanga vavaita chinu chimwe.
38 baba ngaropefazde ayamashoko nekusi nga peri Amen.