Musangano Wa Miriyemu MuGuta Ra Va Jehova
1 Musangano wa Miriyemu wakashamisa zvikuru nekutyisa kwazvo.
2 Miriyemu akadzika achibva mudenga apoBaba vakadzika munyika.
3 Vayishanda vese basa apo vakatangisa munyika nemukati mematambudziko ese.
4 Neapo vayirara mukati memakomo mayiri aya chivako ne chemuuyu.
5 Zvavakanga vachirara imomo vakanga vari kuchemerera Africa yose kuti tiwone kupona.
6 Nguwo dzavo dzikasakarira imomo, kuyitira isu kuti tiwone kupona vasingarari mumba.
7 Vakanga vayine ruyimbo runoti hona vanhu vako Mwari kudza dzose guwa, Uno wachengeta iwe.
8 Rwiyo irworwu rwa Miriyemu rwakanunura vanhu vose kubva mumatambudziko.
9 Miriyemu ndiye akaburitsa vanhu vese mukati mematambudziko munyika yose.
10 vakaburitsaze vanhu vavo kuGuta ravo dzimara muno vanhu varikununudzwa.
11 zvino miriyemu akati baba vandikanganwa here?
12 Asi vatumwa vese vakataura munyika ukawapfekedza.
13 Kufanana nemusi uye makavaburitswa vana we Isirairi mumatambudziko naMosesi na Miriyemu dzimara vasvike pagungwa riye.
14 zvirokwazvo vakabvira gungwa iroro asi vana vafaro vakamedzwa vose negungwa iroro tarisa EKSODO 15. 1–21.
15 nhasi Africa yanga yaburitswa kubva mumatambudziko na Miriyemu.
16 Vanodaro baba unoti kudiko mwana weAfrica.
17 Mukati memusangano uyu makaratidzwa zvirema zvitatu, zvakasimudzwa Zvaka ndimiriyemu apo akatsutsa munyika.
18 Pekarepo zvakafamba zvirema Izvozvo mukati medivi, izvi Zvakaratidza chokwadi bedzi chababa.
19 Mukati memusangano iwoyu makaratidzwazve vana vakakwana makumi mayiri vane vanomwe.
20 Vanodaro baba vana ava neva Miriyemu hamba kamba yemudenga.
21 nekuti vana ve Isirairi vakaburitswa, saka nesu takaburitswa mukati mematambudziko ndi Miriyemu. Amen.