Guta Ra Jehova
Lesson 130

Kuzarurwa Kwengarava YeMatenga Nevatumwa MuGuta

1 Yakati Svondo yezuva rodoka mambo Zimuuya nemachinda avo vakanga vauya muGuta.

2 Kuzotenda zvavakanga vaitirwa neMatenga.

3 zvino rakanga riri zuva rekuzarurwa kwengarava yeMatenga.

4 Vechita chaJeneti vakanga Vakapfeka mabhache matsvuku.

5 vakomana masoja vakanga vakapakatira mikwakwa G.R.J. mabhande matsvuku.

6 Tabva mudivi tichiyenda muNgarava vakanga vachiyimba Tenzi taungana nechuni ya Jeneti .

7 Tapamusuwo wengarava mambo Zimunya vakazarura gonhu reNgarava yeMatenga.

8 Achiti mutumwa ndinokutambidzai ngarava yenyu iyi.

9 Kuti muite basa rababa wenyu rinotyisa rakadai ramakabva naro mudenga.

10 Kuti tose tiwone kupona, vatema ne vachena panyama nepamweya.

11 vapiwa Matenga vakapinda muNgarava umu na mambo na ishe Nyakunu.

12 Nemupurisa akanga aripo wehurumende nevese vakanga Vakapfeka zvitsvuku ropa ra Kristu.

13 Tapinda muNgarava iyi gonhi rakapfigwa.

14 Mukayimbiwa zvakatyisa kwazvo nechuni ya Jeneti .

15 Mungarava umu makaimbwa usa kamboitwa munyika.

16 Mazwi avo akanga akafanana neminanzi yedenga.

17 nekuti vakanga vavatummwa bedzi rino daro gwayana .

18 Matenga vakateura vakati baba vakwana iye zvino zvamatipfigira kudai senguva ya Nowa, ndivo vavakateerera mirairo yangu.

19 zvino gwayana rakasheedzera pekarepo richiti baba, Nowa na Jeneti nevatumwa vakuru vakuru vedenga vari muno.

20 Rapedza vaVhangeri vakateura zvikatyisa, yikapenya zvikuru kwazvo.

21 Matenga tapedza kuteura rikati wanin'ina vaJeneti ne vanin'ina vaNowa mazembera.

22 Makaimbwa, zinoMatenga vayiti wakasetuka ngarava yakaita seyiri kusimuka kubva munyika yechikwira mudenga.

23 Matenga vakati ndayisoyiwona kubvira kare yiri padunhu.

24 vaVhangeri Vakasimuka vakatenda nekuvakwa kwengarava.

25 Matenga vakasimuka vakatenda nevakavaka nevakabatsira kuti ngarava iyi yivepo.

26 Takati tavakubuda mungarava iyoyi.

27 Munhu umwene umwe akanga akagarwa nemutumwa ayipihwa mana yake.

28 Zvakava nekutyisa vanhu vaMwari.

29 Titonderei kuti iwe neni takapinda muNgarava iyi kuti zichaveyiko kumagumo.

30 Kana tisina kuchengeta mirairo yeMatenga tinonoraswa.

31 Asi basa rose iri rakaitwa pachena pamberi pedu pasina mutengo. Amen.