Guta Ra Jehova
Lesson 68

Kushamisa Kwe Easter PaGuta

1 zvino yakati nguva yeEaster yakati yakusvika ndakawona Matenga vachiporofita kuungana kwevanhu vazhinji zhinji muGuta ravo vakati kuvanhu vavo, ndiri kuwona chita chamwari, ndichiwona vanhu vazhinji zhinji munyika yose iri kudehenyeka ngekuda kuuya pano paGuta.

2 vakati vapedza kutaura, vanhu vakauya kwazvo zvakatyisa ani naani, kukauya zuru nezuru mazana nemazana evanhu akauya kuzotamba Easter paGuta raJehova.

3 Ipapo kutaura kwababa kwakabva kwawonekwa pachena nekuti vakanga vaporofita zviro zizhinji.

4 Rakati rasvika zuva reChishanu chakanaka icho chakaroverwa Tenzi wedu pa muchinjikwa.

5 ndakawona baba vakapfeka nguwo tsvuku dzaipenya kwazvo, asi dzaiva mufananidzo weropa.

6 Matenga vakati vapinda mudivi vanhu vazhinji zhinji vakatyiswa kwazvo.

7 vamwe vanhu vakabatwa nemasimba zvikuru kuru.

8 ndakawona vamwe vachiwira pasi, nekuti vakanga vazadzwa nemasimba zvikuru kwazvo.

9 Rakavazuva rakatyisa munhu wese, vanhu vakatya vakafara zve.

10 Ipapo baba vakaparidza nemashoko ekurowerwa kwamambo Jesu.

11 Akati ava mangwanani zuva reMugovera ndakawona chita chikuru kwazvo.

12 Chakanga chichiimba rwiyo rwekuti watakura kuyipa Jesu kusiri kuyipa kwake.

13 vamwe vakanga vachichema vamwe vakanga vakabatwa nemasimba.

14 nekuti vakanga vachi tyiswa nezvakange zvakapfeka baba zvayi penya chaizvo.

15 zvino vanhu vazhinji vayiparidza nekuvigwa kwaJesu.

16 izvi zvose zvayitirwa kuti chita chose chiwone kurwadza kwerufu rwaJesu.

17 Nekufungisisa mupfungwa kwakanga kuchiita vanhu.

18 Kuti vaziye chokwadi chavo baba.

19 vanhu vakanga vari muGuta rababa, rakatirasika zuva rekumuka kwaishe Jesu.

20 Guta rose rakamuka pakati peusiku, nekuti raiva zuva rekumuka kwemurumbwana wemunhu muzuva reEaster, Tarisa Mateo 28. 1-20.

21 vakanga vachiyimba rwiyo rwokuti Jerusarema musha wangu musha wandinoda kana ndapedza mabasa ndinoenda kwauri.

22 zvino ipapo ndakawona mazana evanhu zuru nezuru vakanga vakaungana muGuta.

23 Kwakati baba vawona huwandu hwevanhu vavo.

24 vakati kuna baba ndinoiteyiko kuti vanhu venyu vadawire kuti ndakauyazve zviro kwazvo, kuti varege kupokana mupfungwa dzavo.

25 baba vakaburitsa mapipi kuratidza ukuru hwebasa rwavo pakati pechita chavo chikuru.

26 pipi rekutanga raiva remuzhanje wakapinda muhana yeumwe murume achitaura achitsanangudza nebasa iroro.

27 Ukati ndini ndinouraya motokari idzodzo, kuwone unenge achidarikira mirairo yeMatenga, nekuti motokari idzodzi ndedze Matenga hadzizi dzenyu kwete.

28 pipi rechipiri ndere Jecha rakapinda muhana yomumwe murume richiti, pese pemunonge makagara munonge muchigara ini chete.

29 Kana kumamisha kwenyu ini ndinenge ndiriko chete.

30 nevasingadi kutenderera padivi pano, ndino vapinda mumuviri vavo chete.

31 Nevese vanodarikira mirairo yeMatenga ndinenge ndichivawona.

32 Rikati ini ndinondo murwadza chete kana mukadarikira, nekuti munondigara, iri ipipi guru.

33 pipi reChitatu kwakabudazve Gomo richipinda muhana yeumweni richiti ndini Gomo remuuyu.

34 Rakatsanangudza nebasa ravakatumiwa.

35 baba vanoti ndimo mandairara ndiri mugomo iroro remuuyu usiku hwese, ndayishingiyira Africa kuti yiwone ruponeso pane nezvizhinji zvakatyisa zuva rozvakayitwa kwazvo.

36 Nemapipi akabuda akawanda chaizvo.

37 baba vamire pakati pevanhu vavo vazhinji zhinji vakati zvino ndavakusheedza vatumwa vedenga vagare pamunhu umwe ne umwe.

38 Ipapo ndakatanga kuwona vatumwa vedenga vari mumakomo wakapoteredza Guta .

39 Ipapo hana dzedu dzakazara nemasimba zvikuru, dzikaita sedzakuda kutsemuka nemweya mutsvene .

40 zvino mweya iyoyo yakagara pavanhu vamwe, vayitenderera divi rose.

41 zvino baba wakasimudza ruwoko, vese vakanga vakapindwa nemweya yevatumwa vakamhanyira kuna Baba vachiwira pasi petsoka dzavo vachiti namata!

42 baba vanoti ndinoda mwoyo yenyu chete kuti ndiyende nayo kuna baba kune hupenyu husinga gumi.

43 zvino vanhu vazhinji zhinji vakasimuka vachiyimba Jerusarema musha wangu, vakanga voimba vachifarira neBasa raMatenga.

44 Vayifora vachiti vemateneti vega, vazere vega, vakanga vakapfekedzwa yunifomu vega, majaya nenhandara vega, varume veyunifomu vega, vapwere vegawo.

45 Zvayinga nemapato mapato semazuva ivavo.

46 Kukava nerufaro rukuru kwazvo.

47 Ipapo baba nevanhu vavo, vakanga vachiyimba zvinotyisa kwazvo.

48 zuva iroro kune varume nevakadzi vakapfekedzwa yunifomu vakawanda chaizvo.

49 vapfeka vakapihwa mitemo sema zuva ese, zvayinzi nhasi mapfeka nhumbi dzvemweya, hadzidikanwi kuti utadze nadzo, kana kupomba, kana kuba, kana kunoroya, kupokana nekuti inhumbi dzekurwisa nezvitema, naSatani.

50 Vese vakafarira nhumbi dzvemweya mutsvene .