Upamhi Hwebasa Rababa Mu Bulawayo
1 vanhu vaMwari upamhi hweBasa raMatenga mu Bulawayo rakatyisa zvikuru kana vari rangarira.
2 Tine mhosva pamberi pa vaJehova kana tisatevera mirairo ya baba.
3 zvino ndakawona vachena nevatema vachibatwa neruwoko rumwe chete, rwakanga rusinga sarudzi, nekuti rwakanga ruri rwa vaJehova.
4 Ruwoko irworwo rwaiti kana rwabata muchena kana mutema, kana paine shayi kana dhimoni rai buda pekarepo.
5 Mukati mekushanda basa iri makauya zvuru nezvuuru zvaiwuya kuzowona.
6 Mukati mavo makapinduka vazhinji kwazvo avo vayidaiwira kuti uyu ndi vaJehova.
7 Asi vaya vachakagarwa nemweya iya yakaita vakasara vakadaro.
8 vanhu vakabatwa pamusoro neruwoko runoyera vanhu vatema vakakwana mazana masere anemakumi mairi nevashanu (825).
9 Varungu vachena vakabatwa pamusoro neruwoko runoyera vakakwana zana rine makumi mashanu nevasere (158).
10 Asi mukati mavo, vasere (8) vakanga vari vafundisi vevarungu vachena.
11 Mukati mevachena umu vafundisi vatatu (3) vakabatwawo nemadhimoni.
12 vamwe varungu vakabatwawo nemadhimoni.
13 vanhu vakapfekedzwa mabanhire omudenga vakakwana zana rine makumi matanhatu ne vayiri (162).
14 Vakatenda zvavakaitirwa neMatenga, kununurwa paupenyu hwavo vakakwana makumi mayiri ane masere (28).
15 Mukati mekutenda umu mai vane vakadzi vasere vakanga vasingateveri, Asi waiswa ruwoko runoyera pamusoro vakatangisa kuitawo Vadzimai.
16 Vhiki yokutanga pakauya vanhu vanokwana zviwuru zina zvine mazana mashanu (4,500) evanhu vatema, varungu makumi matatu ane matatu (33).
17 Vhiki ye chipiri pakauya vanhu vanokwana zviwuru zisere (8,000) zvevanhu, vachena makumi matanhatu vane vapfimbamwe (69) ririzuva reSvondo.
18 Umwe wevarungu ava akabva East London akarapiwa chirwere chake akabva apona.
19 Akafunga mukadzi wake akanga afa, akati dai ndakaziya kare ndakauya naye pano, angadai ari mupenyu.
20 Varungu ava vayishamisa kwazvo, vaiti kana vonamatirwa nayivo wayinamatawo, kuratidza rudairo rwavo pamberi peMatenga.
21 vanhu weBulawayo vakanga vadzirira kudya kwevanhu kwakakwana chaizvo.
22 Mr. Gondo na Mr. Maseko ne vamwe vechita cheikoko vakashanda basa guru kwazvo.
23 Saka rakadaro gwayana ukusandi kushanda kwavo vega asi vakanga vakatogarwa ne vatumwa vedenga.
24 vakanga vagadzira masaga eufu mazhinji zhinji, mombe shanu, hwai nhatu, mbudzi mbiri, huku gumi, nesaga eshuga nezvimwe zvizhinji izvo ndisina kunyora.
25 mwoyo wangu wakadzamirwa ndikati, zvavo vaakushandira Mwari wavo zvazviri vanhu vaMwari.
26 vanhu ava vakanga voshanda vaine mwoyo mumwe, zvavo vakakomborerwa voziwa kuti uyu ndimusiki. Asi Makona nemishonga yakatsaukana yayi piswa nen'anga dzeguta James, naBeta.