Guta Ra Jehova
Lesson 169

Kutambudzvika Kwababa Pa Manyene

1 Vasika paManyene baba vakatambudzvika chaizvo.

2 Paiva neimba yaivapo asivairara pasi, dzimara vamwe varume vairi vakazotenga maturosi yekuti vararirepo.

3 Asi ivo baba vakashaiwa nezororo, nemwoyo yevamwe vakatambudzika chaizvo.

4 Asi vamwe havana kupisikana nazvo vakanga vava mukati mweizvi neizvi, mwoyo yavo hayina kupisikana kwete.

5 Vakakomborerwa zvavo vakatambudzvika pamwoyo yavo vakafungisisa nedambudziko reMatenga.

6 zvino matiri mani ose enyika akaungana ipapo, vamwe vaibva kwa Mutali, Harare, Bulawayo, Sinoya, Chipinge.

7 Nemudzimwe nzvimbo dzakatsaukana nevarungu vakauyawo kuzowona Matenga avo.

8 PaManyene ipapo pakava nekunetsa chaizvo, ndo paka simuka vamwe vakasiya baba vari kutambudzika ikoko vakauya muGuta.

9 Vasvika imomo kutaurirwa hunyimwa vanoziya vanoziya.

10 Damwe wavo vakati Guta rapera muchangarireyiko muno, Wuye vakadoro kusaiziva munhu wekufa zvainzi inyore.

11 Kuzoti vadzoka vasvikazve ikoko kumanyene pakanga pari kunetsa chaizvo.

12 Bulawayo yayiti tinoda kutora Matenga , Sinoya yikati tisinoda kutora Matenga .

13 Zvino mambo Zimunya akati zviri kwavari Matenga kwevanonga vadaivo, zvino vamwe vakati ngavayendeswe kwaNyamushanya.

14 Pashoko irori rakanetsa rekuti Matenga voenda kupiko rakanetsa kunga vakanga vasina musha vavo Jerusarema .

15 Dzimara vakanzi ngavabvunzwe kuti ivo Matenga vanoda kuti vayende kupiko?

16 Asi shoko rakati bedzi ku Jerusarema kwaZimunya.

17 Vakazosimuka paManyene paye vakauya muGuta vakasvika muGuta hwava husiku musi weChitatu 22nd June 1960.

18 vari mukati megwanza baba vakati vanangu imbai Howa dzoruponeso.

19 zvino uso hwavo hwakapenya vakati ndatarisa ku Jerusarema .

20 Kuzoti vasvika muGuta, Guta rose rakava nekufara kukuru.

21 baba ngaropefadze aya mashoko avo nekusingaperi Amen.