Matenga Vanoenda Ku Sipolilo
1 Basa revakatumwa riri kuzunguza nyika yose hama dzangu.
2 Paivawo nedzimwe nzvimbo dzanga dzinenyota yekuda kuwonana Matenga .
3 Rwakati rwarongwa rwendo rwekuenda kuSipolilo.
4 Chakanga chambonetsa imotokari dzakanga dzashaika.
5 Nepo vakanga vapiwa mvumo yekuti vafambe zvavo.
6 Hurumende yati munofanira kuti muende nemotokari nhanhatu ikoko.
7 Kuzoti Matenga vashingaira vega mune dzakazowanikwa.
8 Kuzoti zuva rasvika rokuti vayende ndakawona Matenga vachibutsa vatumwa verwendo.
9 vamwe vakasara vari muguta.
10 Guta rose rikazara nemasimba anotyisa kwazvo.
11 vakati vakukwira mudzimotokari dzinokwana shanu yeMatenga, yichiitanhatu iyo yai dhiraivhwa na Mr. Chareka muvhangeri .
12 vakati vari kufamba rwendo rwavo vakanga vachiyimba rwiyo rwo kuti : Tenzi taunganamuno mumba yenyu, Pasi rose rakadenhenyeka rose nokuimba kwavo.
13 vakati vabuda muGuta vakapfuura neMutare hwava husiku.
14 Asi Matenga vakanga vambotaura kuti ini handibvumirwe kuti ndive ndinofamba neusiku kwete.
15 Vanoti pfurei Mutare mota yeMatenga hayina kuda kuzofamba kwete, kudzadzisa izwi rakanga rataurwa riya.
16 Vakarara ipapo.
17 'Varikufuma kumuka mangwanani.'
18 pipi guru rinotyisa ani naani paupenyu hwake.
19 Zvino ipapo Matenga vakatora motokari vakaidhiraivha voga mbune.
20 Asi haana kumbo pangidzirwa zvinoitwa vamwe madhiraivha kwete.
21 Iri pipi rakatirwaiwe neni kuti tinatse kuziya kuti tiri kufamba naMwari.
22 Izvozvo Matenga vakanga vazere nemasimba vachimhanya zvinotyisa kwazvo.
23 Kubvira panyazure vachipfuura nepakanga paita motokari dzimwenisimashi vakapfura.
24 Vada kusvika Harere vakazopa Chareka mudhiraivhi wayo.
25 Vasvika imo muHarare dhorobha rose rakadehenyeka.
26 Mwakaitwa mashura nezviratidzo.
27 Vachena nevatema vakamhanyidzana vachiti kosimba rokurapa zvose izvi vakazviwona kupiko?
28 Vakanetsekana nemabasa eMatenga.
29 vamwe vayidongorera varimumawindo, vakasiya nemabasa kumhanyidzana kuzouya kuzowona Matenga .
30 Vachandoti ibveimu
31 Harare Matenga vakadira ivazve dzimarapa Sipolilo.
32 kwaigara baba vaSimoni naMai vake tikawona dzvimbo yakagadzirwa.
33 vakayenda kuna mambo Matenga nevanhu vake dzirikuimbwa mbira dza vaJehova vasvika mambo vanzwa mutinhimira vakatya nokudedera kukuru.
34 vakayenda kuhofisi, wapfuura nepa hosipitari dzichiimbiwa, vakambomira ipapo kweka nguva kashomanani.
35 Nyika yose yaSipolilo yakadehenyeka chaizvo.
36 Asi ngosi yakatenderana neMatenga kuti vaponese vanhu veSipolilo.
37 zuva rekutanga vanhu vakaungana hapana vakapindukaba, rechipiri hakuna kuzoti zuva reChitatu Matenga vaenda kuno piwazvimwe na vaJehova.
38 Vanodaro vari pamusoro pechuru chikuru icho vakanga vaenda kunotora masimba .
39 Tarirai VaJehova vanhu venyika, vakawoma mwoyo itai kuziwa kwenyu.
40 Kuti vazive kuti muri mwari wezvokwadi ndakauya kuti ndivaponese vese.
41 Chakakazoti zvavachishanu mumwe nemumwe akamhanyira achisiya imba yake kuuya kuzowona.
42 Ipapo pakaitwa mashura nezviratidzo vanhu vakabatwapa musoro wavo vakanga vareurura.
43 PaMazuva iwowo vanhu wvakakwana mazana makumi mashanu nemakumi matanhatu neumwe.
44 Vakabviswa mweya yakaipa vakakwana makumi mapfembamwe neva pfembamwe.
45 Vakatenda kuponeswa zvirwere makumi matatu nevashanu.
46 vana vakanobhapatidzwa gumi nevatatu vamwe vashanu havana kuzoratidzwaba.
47 Vakapfeka yunifomu yemweya mutsvene gumi nevashanu.
48 Huwandu hwevanhu vese vakauya vakapinduka nevasikazi vakakwana 5,890 vesepamwe.
49 Pakaitika pipi rimwezve guru kwazvo.
50 Mvura yakauya kwazvo zhinji zhinji, Matenga vakatarira mudenga vskati nezwi guru.
51 Vakatibaba ndinoiteyi nevanhu venyu.
52 Ipapo mvura yakada kunaya nesimba zvino Matenga vakasimudza chari yavo mvura yikaparara.
53 vanhu vazhinji kwazvo vakashama wachiwona mvura yichiitandwa neMatenga vakabva mudenga.
54 Mukati memweya yakaipa madhimoni mwakawa neumweni vainzi zita rake Dande mutande rakatandiranyika.
55 Murume uyu aakanga anetsekana nedhimoni iro vanhu vekoko vachiti, vanoti nayisira mvura, nyamba kwete ndiMwari.
56 Rasungwa dhimoni iroro rabuda rakatanga kutaura pazere vanhu vazhinji chaizvo.
57 Rinoti ini nhasi panotyana rabvunzwa.
58 Rikati ini ndiri mhondoro ndapedza makore gumi ne mayiri wendigere uyu asingageri bvudzi mudzimai wangu.
59 Saka muchiwona asingadi kupfeka maburukwa nebvudzi rake rakamonana ndini ndinomuitisa zvose.
60 Rabviswa raenda vanhu vazhinji zhinji vaivapo vakashama vakatya nekudedera pamwe namambo vaivapo.
61 ndiwo mabasa akauyira Matenga .
62 Murume iyeye akutopfekawo mabhurugwa sevarume vamwe.
63 Bvudzirake rakagerwa nanhasi anotogerw abvudzi iyezvino.
64 ava murume sevamwe varumewo.
65 Musi weSvondo iwowo Matenga vamire pakati pechita vasheedzera vachiti madhimoni eSipolilo ngaabude mwosara mwakadaro here?
66 Ndakawona vanhu vese vachibatwa nemweya yakaipa, vakadzi vairi vakabudirwa nemadhimoni ekupomba akaratidza zvavaisoita kare umwe regudo, vanhu vese vakashama kwazvo.
67 Nefurumemba dzechechi dzimwe dzakabudirwavo dzakangoa dzauyakuzoona, nemudzimai wemufundisi akabatwawo nedhimoni vanhu vakashama kwazvo.
68 vakati kozvaanotitungamirirazve yamba havana kunaka.
69 vanhu vawona kudaro vazhinji zhinji vakapinduka kwazvo.
70 Hakunazve uri pasi penyika anoita zviratidzo nemapipi akadaro hama dzangu.
71 nguva yasvika Matenga vakadzokera kuGuta.
72 vanhu vakakwira mumotokari.
73 vachiyimba rwiyo rwokuti Tenzi taunga, urwo runotangiwa naNowa vakati varikuenda vaimira mudzinzira, vanhu vachishama ngekuimba kwavo.
74 vakati Vasvika muHarare.
75 Matenga vakayenda kumba kwomukuru weMethodist vakano muratidza basa rose Zvirema, mapofu, nedzimwe hoshadza katsaukana.
76 Murungu iyeye akadayidza vamwe maprisita vamwe vakaungana, ipapo Matenga vakaratidza mashura nezviratidzo.
77 Paivawo nemumwe murungu akadanidza Matenga akazarira mumba.
78 Murungu uyu akareurura akabatiwa pamusoro akanamatirwa zvikuru.
79 Zvino Matenga vakanga vanzi nemurungu mukuru enda unorara kuEpworth Mission, takasiya Harare tikaenda kumission ikoko
80 Takawona pava nechita chizhinji kwazvo icho chakanga chagarira Matenga .
81 Tasvika chishamiso ngechekuti mufundisi weipopo wemuchena afunga achiti ndatorerwa ukuru hwangu, nyamba kwete.
82 Mufundisi akati hapana nzvimbo yekuti urare pano, dzokahako.
83 mwoyo wangu wakafunga ndimambo Jesu arikufamba dzimbo dzakatsaukana.
84 zvino Matenga vakadzoka nevanhu vavo, vakazopihwa dzvimbo kuHighfield pamwe nevanhu vavo.
85 Akati rava remangwana acho takapinda munzira tikasvika paMarandellas pakaitwa mashura nezviratidzo.
86 Tabva ipapo takasvika paRusape tikamira kwazvo.
87 vanhu vaungana zhinji vakanga vachiwona mashura nezviratidzo izvo zvaiitwa neMatenga tiri kuuya takapfuura nemamutari tichienda muGuta mumusha wemweya mutsvene .
88 Takati tiri kusvika muGuta takatambirwa nevanhu vazhinji zhinji vakanga vakagarira Matenga vakanga vazere nemasimba anotyisa kwazvo.
89 Vaipembera vamwe nezvigurangu vamwe vachipukuta motokari yeMatenga vamwe vasingagoni nekufamba nemasimba.
90 zuva iroro guta rose rakava nerufaro rukuru kwazvo.
91 Ndakawonana vanhu ava vachiyimba rwiyo rwemweya.
92 Hama dzangu kuwone anochengeta mashura nezviratidzo izvi mumwoyo wake achityiswa neBasa raMatenga akaropafadzwa zvake mugoni.
93 Daitarega kudzoka mumashure taramba takabatirira pachari yeMatenga chete.
94 Neni ndanyora izvi sandikuna kwete, asi ndinotoisawo mwoyo wangu pamberi peMatenga vanenge ndivo musiki .
95 Mwari achakomborera zvinyorwa zvake. Amen.