Guta Ra Jehova
Lesson 8

Kufamba KweMatenga

1 Kwakati baba vafamba vachifamba vachirapa zvavo vavanenge vawona vanorwara.

2 vakayenda paGora kumhondoro resevi.

3 Pakanga paine mwana veMatenga mudzidzisi, paGora chechiipapo.

4 Nemusi weSvondo vaiti Matenga voteura vamwe vaibatwa nemadhimoni paSvondo ipapo.

5 Matenga vaitaura chete kuti kureurira chete ndiwo upenyu.

6 Matenga vakaratidza basa ravo nezvisingadikanwi mudenga.

7 Nazvino paGuta raJehova hazvidiwi zvitema zvose zvinoda kureurura chete.

8 nekuti ndozvavakatumirwa, kuti tirege zvitadzo zvedu tose.

9 Mumwe mudzimai akanzi amai vako vamire paguva nenzira yekutadzirana naBaba vako.

10 Mwanasikana vanzwa izvi, akanoudza baba wake kuti vamuporofiti vakati amai vamire muguva, baba vanzwa izvi, vakanoripa mhosva iyi nekuti vakanga achiiziva.

11 nekuti vaiti mudzimai vawe muroyi, ndiyo mhosva yacho yaakaripa mombe imwe chete mhowu.

12 Mwanasikana uyu aiva nepamuviri akanzi anobereka mwanakomana zita rake rinonzi Denesi akanoitawo saizvozvo.

13 Ndopaakatorwa na akaRanda, nekuti mudzimai wake akange areurura ivo baba nemudzimai kuti vapone, ndivo hupenyu chete wakareurura.

14 Vasara vega vakasara vachitora n'anga , Matenga vaenda.

15 Vakanyengedza Matenga vakasara vakarapiwa ne n'anga vachibva vatofa.

16 Asi pakanga painemumwe mudzimai aivenga uyu nyakurwara, akazvireururawo kuti uyu munhu apone, asi akaramba.

17 Ndipo pakatandwa Matenga nemumwe murume anonzi Mr. Magorimbo muvhangeri .

18 nekuti Matenga vakati reururai ndikokuti mwana apone. Zvino murume uyu vanoti anonditi reurura seiko?

19 Iwe unogara pa Mr. Chaza iwe.

20 Matenga vanoti hazvina mhosva kana uchindiziya reurura chete, ndokuti mwana apone.

21 Ini ndinoita mirairo yawakandituma.

22 Kana wototi reurura wotobva zvako pano ini ndiri muvhangeri .

23 muvhanger iyeye akaendazve kwashe Gora akati mudzimai ari pachechi pangu ngaabve.

24 Gora akabvunzwa kuti aiteiko?

25 Akaiti ngaabve chete, tsika dzake dzakaipa.

26 Gora akati ini handina simba rekumutandanisa kwete, anoita sekudakwake.

27 Vabva kumhondoro vakayenda kuHarare kune mwana vavo vakaroorwa na Mr. Kwenda.

28 Vachifunga kuti vanopfuura vachienda kwaMurehwa.

29 Asi vaamo muHarare vakafunga kuti vayende kwaSeke, vachibva vari pamukunda wavo.