Kuwuya KweMadzimambo Mana MuGuta Ra Va Jehova
1 Kuwuya kwemadzimambo muGuta ra vaJehova kwakava nekutyisa kwazvo.
2 Ndakanzwa baba vachiti, Svondo rino madzimambo marongomuna achava muGuta nemusi we Svondo.
3 vaiwa mambo Zimunya, Mutasa, Maranke, naChirara, vanhu vanzwa kudaro vakawa nekufara zvikuru kwazvo.
4 nekuti chinhu ichocho hachisati chakamboitika munyika kwete, tsingano yeMatenga yinoshamisa kwazvo.
5 Chido chemadzimambo aya chakanga chiri chekuda kuwona Guta nekuwona zvebasa rinoitwa neMatenga.
6 Nekudya kwavo kwakanga kwagadzirwa nevakomana vemamutari.
7 Kuzoti zuva remugovera rasvika manheru, tichiti madzimambo anowuya remangwana acho.
8 Manheru ivavo vanhu wapinda mudivi , tikarapiwa, kuzoti gwayana rapedza kurapa.
9 vanhu Vakatangisa kutenderera chigaro chineupenyu sezvinoitwa mudenga.
10 Pekarepo gwayana rakasimuka pachigaro rechinhanya apa ne apa riri mukati me hwai Ravo.
11 Matenga vakanga vazere nemasimba edenga.
12 Vanodaro Matenga manga mechipakiwa masimba edenga kuti musangane nemadzimambo zuva guru ramangwana.
13 Zvakava nekutyisa kwazvo, zvanga zvisakafanira kuti isu tisangane nenguva dzakadaro, tsitsi dzemusiki dzinoshamisa kwazvo.