Muchato Wejaha Ne Mhandara MuGuta Ra Va Jehova
1 Basa guru rakabva neMatenga kubva mudenga rotyisa chaizvo kana nekutoritsanangudza vanhu vaMwari.
2 Mwana waChakanyuka akavanekuchata Svondo iroro pabva kuitwa mashura nezviratidzo.
3 baba vakati paita muchato nhasi, zvino muchato uyu ndewe muJerusarema.
4 zvino vanhu vakatanga kuyimba Jerusarema musha wangu musha wakanaka.
5 Akati ava masikati akachatiswa neMatenga kudzadzisa mashoko emudenga.
6 ava masikati acho vakauya mudivi Vakapfeka mbatya dzemuchato.
7 Chishamiso mukati mevana veAfrica.
8 Wakachata vasina sutu, asi vakanga vakapfeka makaki nebanheri mbatya yomu Jerusarema kwete sutu.
9 Vaperekedzi vaiva Beta na Rozi.
10 Kuzoti vauya mudivi gwayana rakauya rikati.
11 Mwarorwa here muchato we jaha ne mhandara varopafadzwa vachata zvavo vari muGuta.
12 vana wakanaka vakateerera mirairo.
13 Kwete kuchati, mumba mwana wamukadzi mukuru wakatapudzwa ropa nevakomana.
14 Mukomanawo wonhuhwa gwema revakadzi.
15 Wonai vana vakateerera mirairo yeMatenga munyika.
16 havana kufa kunyadzisa Vabereki vavo kwete.
17 baba naMai wacho vava kudya chuma vachiziva kuti mwana wedu akakwana.
18 Pekarepo baba vakati ndaveneka muJerusarema ndikawona varimo warikuvaka chaimomo.
19 baba vakati ndine mwenje wekuvheneka zviri mudenga nezviri pasi pano.
20 zvino vanhu vaMwari zvinhu izvi zvakawa nekundityisa kwazvo.
21 Vakazo kanda zvipo zvanya muchatiswa rasimuka raenda zvaro kungara yaro.
22 Kuzoti rava remangwana acho baba vakauya mudivi rikati mauwona here muchato wakaropafadzwa naBaba.
23 Wakagadzirirwa chipikirwa vakapihwa.
24 vakanga vaine vatumwa vakageza mawoko avo vakavachingamidza.
25 Izvi zvakaratidza chokwadi cheMatenga munyika.
26 vakanga vachitambira vachipembera muchato wemuJerusarema.
27 Vakaropafadzwa zvawo vakachatira muGuta vachiwona Mwari wavo. Muchato wakatyisa Guta rose, chikomborero Africa takanga tadiwa. Amen.