Guta Ra Jehova
Lesson 133

Musangano Wevatumwa Wedenga MuGuta Ra VaJehova Pa Christmas

1 paSvondo yemasikati yakanga yiri Svondo yakanga yichityisa kwazvo.

2 Hamba kamba dzedenga Dzakanga dzauya mudivi .

3 Matenga vakanga vakapfeka nguwo Chena, nekuti rakanga riri zuva re Kristmas.

4 Matenga vakati nhasi mazviwonera mega vaJehova vakoka Africa yose nevatumwa vedenga.

5 vese Vauya kuzowona musangano we kuberekwa kwemwana komana waMwari.

6 vaberekwa nhasi mumwoyo meumwe neumwe nhasi.

7 nhasi tauya tose kuzonyoreswa mwoyo yedu kuti vaberekwa muAfrica muGuta ra va Jehova .

8 Raberekwa gwayana guru redenga, kufanana nemusi uye wakaberekwa mu Beterehema re Judiya.

9 Bva vanhu vese vakauya kuzonyoresawo mumweya.

10 Vachiti zvirokwazvo tavapano tazviwonera ne mese edu vaberekwa mu Africa nhasi.

11 zuva rakatyisa nemwoyo wangu vanhu Mwari .

12 Dai gwayana rangotichemerera kuti kumagumo kwe izvi tirege kunoraswa vanhu vaMwari. Amen.