Kubhabhatidzwa Kwe Vana
1 Matenga vano bhapatidza vana vavo awo akauchikira egambu nenekuti vana wemweya.
2 Rinoti Svondo rekubhapatidza vana rasvika, ndiwowana vaya vemhanje dzemakore dzakagara munyika dzisina vana, vamwe vakagara makumi mayiri vamwe makumi matatu vamwe marongomuna vasinawana.
3 Asi vakaita vana nepamusana peMatenga.
4 Paguta apa panoberekwa vana zuva nezuva vamwe vanenge vayenda kumamisha kwavo, tinotozowona vouya vachiti ndaane mwana Matenga .
5 Kuzviratidza vega wachitendesa nezvavanenge vakaitirwa neMatenga.
6 Panoti zuva racho rasvika vanhu vanonungana mudivi vese, Matenga vanouya vakapfeka zvichena.
7 Apo anonge akupa vana mazita avo, kuzoti vapedza.
8 Kunosarudzwa vakadzi vakabva kungundu kuti vabate vana ivavo, paKubhabhatidzwa kwavo.
9 Vanenge Vakapfeka zvichena vese, nevana ivavo vanenge vakapfekedzwa zvichena vese.
10 Ndizvo zvinobvumirwa muMatenga.
11 Huwandu hwevana ava wakwana 1,800 kubvira pakutanga dzimara nanhasiuno vari kuzvarwa chete.
12 vanouchikwa neruwoko chete, mhanje dzoita vana.
13 Matenga vanozobhapatidza mazita avo vano ivavo vasati vadaidzirwa mudivi .
14 Kuzoti vabhapatidzwa vanodaidzirwa mudivi imomo, makore akagara vabereki vacho vasina vana nemari yavakapa mbadzawachitsvaga mwana, asi akatadza kumuwana dzimara azopiwa neMatenga nekutsairwa neruwoko chete.
15 Nekumusha kunobva vabereki vachoze.
16 vamwe vana vanoberekwa vaine ngundu vamwe vasina zvavo.
17 vanhu vanopembera vachiyimba, kutenda Matenga nezvavanenge vayitirwa nemutumwa.
18 Vapedza baba vanozosimuka, vanhu vanenge vachiyimba dzadzisa chirewo chako ishe , ipapo vanhu vashe. baba vayibata mwana anenge abva kuberekwa, vachimusimudza mudenga neruwoko rumwe, vachiita mubatire usakamboitwa nemunhu munyika kwete.
19 Matenga vanenge vachitoratidza masimba aMwari.
20 Shure kwekuratidza avawana, vese vakabva kungundu vanosimuka wachitenderedza avawana, panoitwa muteuro wekushumira Matenga , nekuti vese ava vana ngeve mweya kana kuti vana vavo Matenga .
21 Pazouya makwaya ekutsigira basa iroro, panotanga weHarare, Mutare, varume veGuta, vakadzi veGuta, majaya nemhandara.
22 Uku kuratidza hupamhi hweBasa raMatenga.
23 Munondoerera mweya chete, mune rufaro zuva nezuva.
24 Ngatifungisiseyi muneizvi vanhu vaMwari, kuti vakatumwa muida.