Guta Ra Jehova
Lesson 2

Kurwara Kwavo, Denda Rekutanga

1 Vakatangisa kurwara pamwana wechina dzimara akarwa chaizvo.

2 Mwana iyeyi akabva afa.

3 Murume ndokubva atovatandanisa, akasara onyora tsamba yekuti haachadi mudzimai.

4 baba wacho vawona izvi vakayenda kuhofici yeRenji.

5 Ngosi yikati iwe gara nemwanawako.

6 Vanzwa izvi, vakayenda zekuchechi kwavakachatira, nekuziyisa mufundisi wekuchechi yeMhanza.

7 Mufundisi akati enda unogara pamusha pako.

8 Kana murume vako vauya tinozonzwa izvo arambira uyu.

9 Vakagara pamusha pababa wavo.

10 Asi mwana wemukomana akarwara chaizvo, dzimara vakatora mwana, vakayenda naye kumusha kunababa vake.

11 Ivopachavo vakanga vava nane mukurwara kwavo.

12 Murume ndokuti chimbogara zvako.

13 Vaku murume vakarwara zvezvikuru, asi murume haanakufunga nazvo.

14 Murume vachibva aenda kuHarare.

15 Denda riya rakanyaze rakarwara vaane mwana wekugumisira.

16 Murume vanzwa kuti arikurwara akauya, akati iwe dzokerazve kumusha kwako kwawakabva. Kana warambira pano hapana anokuchengeta pano, vachibva ano vadzingirira kuti vayende kumusha kwavo nekuti mwaramba muchirwara.

17 Chiendai zvenyu kumusha kwenyu.

18 Kwakati vaenda kumusha kwavo, vakayenda vachifungisisa kuti, kovana vangu, nechirema changu vese varikumurume.

19 Vafunga izvozvi, vakadzokazve kumurume.

20 Vasvika ikoko hosha yakavabatazve, vakarwarazve varikoko kumurume.

21 Vateera ava vamai Ema Nyamushanya muroora vavo vanoti ini ndotora mwana wangu, nekuti vanoti kana vauya kuno anoramba achirwara zvikuru zvakadai.

22 Achibva anovatora nekwenda navo.

23 Vakumusha kwavo vakarwara zvikuru kweka kaberekwa.

24 Murume akanzwa izvi, haana kumboteera kana kufunganazvo.

25 Murume asara kumusha kwake, akasara a kafunga kuti, kowana vangu.

26 Vakatera kumusha kwawake.

27 Asvika ikoko vakubvunza vana vake, akavawona akaita ekubvuta.

28 Akati haungatori vana vese, kubva ngatiendei tese, haunganditoreri vana vese, vakayenda vese.

29 Vaenda ne murume vakasvika korwarazve.

30 Vabereki vanzwa kuti mwana vavo ari kurwarazve, vakatuma munhu kuno vatora.

31 Asi murume wacho vakasvika nekumudzinga.

32 Munhu uyu adzoka akataura zvese.

33 baba vacho vakateera vega vakasvika kunotora mukunda wavo.

34 Haana kuzodzokazve dzimara nanhasi.

35 Nekuti murume vavo akanga avanetsa kwazvo.