Guta Ra Jehova
Lesson 149

Kumuka Kwa Jesu MuGuta Pa Easter

1 Irizuva rekumuka kwemwanakomana wemunhu muGuta Izuva rinotyisa kwazvo pazuva re Easter.

2 muGuta umu vanhu vanofuma muka vakapfeka zvichena nezvigurangu zvavo mumawoko avo.

3 Vanenge vachiyimba Jerusarema musha wangu musha wakanaka.

4 zvino vanhu vanenge vachitenderera neGuta rose vachipembera vachiti amuka nhasi wakunda.

5 zuva iri Izuva guru kwazvo mukati meguta rava Jehova .

6 Tinokwaira mugomo tichiimba tirimo dzimara gwayana riwuye mudivi .

7 zuva iroro Matenga vakaburitsa vatumwa vedenga vakanga Vauya kuzowona kumuka kwaJesu muGuta.

8 zvino shoko reMatenga vakati vamuka nhasi nyika yadehenyeka yikapenyerwa nhasi kukunda uko.

9 Ndafamba nedenga nenyika nhasi zvakasunguka.

10 Dai Juda worowera, iroka basa riri pachena wakunda nhasi. Amen.