Guta Ra Jehova
Lesson 62

Kuyeriswa Kwe Yunifomu Paguta

1 Pakati nerimweni zuva masikati acho pambo pfekedzwa vamwe mbatya dzvemweya, yunifomu.

2 Matenga vanotsanangura kwazvo nenzira yekupfekedzwa kwevarume nevakadzi, kuti vaziye kuti vakapfekedzerweyi mbatya idzodzo.

3 Anovataurira kuti izvi zvinotaureyiko?

4 Asi zvinoitirwa kuti musadzokere shure zvakare.

5 Zvembatya idzodzi dzato yereswa kwazvo pane zviro zvose.

6 Kana uchaputa fodya, kunwa, kupomba, kuba, hazvidiwi mudenga muna baba.

7 Kana uchiri kuroya, kushora, kutuka, kuvengana, kana kutukana mumba, kana kuti kuvengana nehama.

8 Idayi hama dzenyu muratidze mabasa enyu kuhama dzenyu.

9 Hazvidiwi mudenga kana mukatadza muine mbatya idzodzi.

10 Watofarikira mirayiyo yeMatenga.

11 Kana Vakapfeka yunifomu wotumboregedza kuyipfeka.

12 Idzi yunifomu, vamwe vaiti vapfeka madhimoni ayibuda kana ukanopomba nayo vayinzwa yunifomu iyoyo yopisa hauchatoyi pfeki, tichenjerei vanhu vaMwari.