Guta Ra Jehova
Lesson 21

Matenga Vanotanga Kusvika Pa Umtali

1 Matenga vakafamba nevanhu vavo vachibva kwaChitsunge vachiuya kwaUmtali.

2 vanhu vazhinji zhinji vakanga vakavagaririra seshoko rakanga rasvika.

3 Varungu nevanhu vatema vakanga vakagarira kwazvo.

4 vakati vasvika pahotera yaMurapa, vamwe vakapfuura vakayenda panzvimbo yakanga yagadzirwa pa 11 miles Chipinge Road.

5 Asi Matenga vakanga vasara shure. Vakazosara voteera panzvimbo iyoyo yakanga yagadzirwa, Ipapo padzvimboya yakabva yanzi paGuta rorutizviro.

6 Pakawunga vanhu vazhinji zhinji. Paka vakiwa kaumba keMatenga remarata vakauya mambo Zimunyu muridzi wenyikayo.

7 vakanga vauya kuzowona Matenga , sekuziyiswa kwavo.

8 vakauya, nemombe mbiri nemasaga mashanu eupfu.

9 Kuzopa Matenga nevanhu vavo vavaifamba navo.

10 Rarechimangwana (Native Commissioner) Ngosi yeUmtali huru yakauya kuzoona Basa raMatenga sekutaurirwa kwayo kwayakanga yaitwa.

11 Asi akanga achiri magwanani.

12 Yakati ndakazonzwa nemukundumbira uchiri kwaSeke, ndikambozviverenga nemuma nyuzipepa.

13 zvino nhasi ndichazviwonera nemeso wangu. Ngosi yakati, ndinoda kuti undiratidze basa rako rose.

14 Matenga vanzwaizvi havanakuramba vakatenda chaizvo.

15 Pakanga paungana vanhu vazhinji zhinji, vakanga vauya kuzowonawo.

16 vamwe vachibva vapindukira ipapo.

17 zvino Matenga vakatanga kupangidza vana.

18 Pakatanga kuratidzwa dangwe ravakatanga kuuchikira, mwana wamai Chengetai anonzi, Danyeri zita rake.

19 Uyu mukadzi akagara gumi remakore nematanhatu asina mwana kana kumbonzwa zvake nenyoka kurwadza kwete.

20 Akatozova nenhumbu nepamusana peMatenga, Ngosi yakaratidzwazve raini revana, nevadzimai vakagara makore mazhinji zhinji vasina vana asi vawananawo.

21 Yakaratidzwazve zvirema zvaakufamba, mapofu akuwona, mhanje dzemakore dzaane nhumbu, nezvirwere zvakatsaukana.

22 Yakapangidwazve nekurapa kwavanoita, pachirwere chimwe nechimwe, zvikawana kutyisa chaizvo, yakashamiswa nekurapwa kwacho.

23 nekuti anorapa neruwoko chete, kubatwa ndirwo unopona, pasina mushonga zvawo, asi ruwoko chete.

24 Ngosi yakatendesa chaizvo, ikati Matenga ita basa rako rose rakanakisa kwazvo.

25 Rinozikanwa nenyika yose, gara zvako pawunodira napo, uchiita zvako basa rako pano, rakanaka kwazvo.

26 Ngosi yakatendesa zvako basa ravo pano, rakanaka kwazvo. yichibva yaenda zvayo.

27 Kwakati rava zuva reMugovera, vanhu vakanga vaungana chaizvo.

28 Matenga vakaratidza basa ravakauyira pakati pechita chevanhu vakanga varipo.

29 Irindiro basa rimweni guru ravakatumirwa rekubvisa mweya yakaipa yemadhimoni.

30 vakatora umwe mukadzi aiva nedhimoni rababa wake.

31 Matenga vasunga iyeye, dhimoni rikabuda rikati rikataura richiti ini ndakauraya mudzimai wangu.

32 Ndikabvisa musoro wake, ndikauisa pasi pesiti yemotokari yangu.

33 nekuti ndainga ndichida kupfuma, saka ndakaita zvose izvi, rikati ndipo pandaiwona marinapo.

34 Iri dhimoni rakati iro rakadzingwa kudenga harinadzvimbo.

35 nekuti kudenga hakuna dzimba yevanouraya ndiri kutsva, handina nzvimbo, asi ravadhimoni rikati ndinoda mashereni mashanu rikapihwa, ndobvaraenda.

36 Izvi zvakashamisa vanhu vazhinji zhinji vakanga varipo.

37 vamwe ipapo vavo vakabva vauya kuzoreurawo zvivi zvavo.

38 vamwe ipapo waitobudirwa nemadhimoni pasina vaiwana matiraba.

39 vamwe vakawuyawo nemakona, nenyanga, nezvimbwanana, nemiti yose yevaizogara vachada kutedza zvenyika.

40 zvose zvikapiswa nevakomana vayiri ava Beta na Jemusi.

41 vakapihwa masimba neMatenga kuita basa iroro.

42 Pakapinduka vanhu vazhinji zhinji, mazana nemazana akabatwa pamusoro neMatenga.

43 Nevarungu vakauyawo kuzoreururawo zvitadzo zvavo zvavakatadzira Mwari .

44 Vazhinji avo vakabatwa pamusoro neMatenga.

45 nekuti vakanga vawona chokwadi cheMatenga.