Guta Ra Jehova
Lesson 121

Kushamisa Kwebasa Guru Munyika YaMambo Zimba

1 Tava munyika iyi Matenga vakati vanangu musangano uno ndewevatumwa chete.

2 Svondo yekutanga munyika iyi vashomanani vaiwuya kuzowona.

3 Yayiti mharidzo yoparidzwa vanhu wayishamiswa kwazvo vachiti vanhu ava sandi kuparidza kwavo asi kutoti pane chakavagara.

4 Svondo yekutanga vanhu vakauya zvakanyanya, wuye yakanga yiri Svondo yekuratidza vana.

5 Chishamiso vana ivavo vakapihwa mazita mayiri mayiri.

6 Wuye vakanga vari vana vemhanje dzemakore vakakwana makumi matatu vane vana vatatu zuva rimwe chete.

7 Kuzoti zuva rodoka reSvondo iyoyo Matenga vakasimuka rikati Nowa simuka usheedzere.

8 Pekarepo Nowa akaimba rwiyo dzinde Tenzi taungana.

9 Matenga vakasheedzera bedzi kuti zvifananidzo, pekarepo vanhu Vakatangisa kubatwa nemadhimoni.

10 madhimoni awawo ayireurura achifamba achitaura icho akatandwa nacho mudenga, achitaurira vanhu vese vakanga varipo.

11 Vayiwuya kuzowona vaya vamwe vavo ndakawona vachibatwawo nemadhimoni mweya yetsvina.

12 ndakawona vachitizira musango pasina vayiwanunudza nekuti vakanga vasingadi kureuurura.

13 vanhu wakatendeuka vakakwana mazana matatu posondo nhatu.

14 Zvisakamboitika munyika, hapana chita chakambo dzoka zvakadaro.

15 Vakapfeka vakakwana makumi mashanu nevatatu ndivo Vakapfeka mabanhire neyunifomu ye mwe mutsvene vakakwana makumi masere nevana.

16 Paguta ipapo pakanga pafana pagara vanhu kwemwedzi mitatu vakarindira Matenga .

17 Pakauya mumwe vakanga vagara makumi matatu vayine hosha yepfavi.

18 Kuzoti vabatwa neruwoko runoyera vakabva apona hoshayake iya.

19 Mumwe akati iye akagara gumi remakore nematatu achibuda ropa, asi asvika bvatwa neruwoko bedzi ropa rakakamuka, harina kuzo uyaze.

20 Kune vazhinji zhinji vakaponeswa neMatenga munyika yeSinoya.

21 Mazuva ivavo, pakati nerimwe zuva pakauya mumwe mukadzi aiva nerusarira muhuro yake.

22 zvino madhimoni arikuburitswa ndakawona achibudirwawo nedhimoni, akatangisa kurubvarura.

23 zvino vanhu vakanga varipo vakati kozvevanomboti tirifurumemba dzechechi wani.

24 Ko dhimoni rabva kupiko zvikavanetsa mumwoyo yavo.

25 vakati nyamba tiri kunyengedzwa.

26 Bedzi uyu anoita mashura nezviratidzo, Mwari wezvokwadi watishanyira munyika yedu.

27 zvirokwazvo Matenga rakanga rayenda kunoponesa hama dzedu Dzakanga dzakaremerwa kufanana nesu.

28 nerimwe zuva gwayana rakaenda pasinoya kevi pane zvizhinji zakarongwa ipapo.

29 Motokari zhinji dzakateera gwayana imwe yayo yaiva ya Mr. Zengeni wekwaMutare.

30 Basa guru rakaitwa mukati me Sinoya vanhu vaMwari, kuchemerera kuMatenga ndiho upenyu nekuchengeta mirairo yavo. Amen.