Guta Ra Jehova
Lesson 48

Kuyenda KuJorodhani

1 Matenga aya anebasa guru chaizvo.

2 Kunoti ava remangwana vakabviswa mweya yakaipa vaya yemadhimoni, vanoenda muraini woreururazve zvavanenge vakasiya zvose.

3 Vanoreururazve nekuti vanenge vachienda kunogezwa mimvuri yemadhimoni pamuviri yavo.

4 Asi kana paine anenge anyarara kureurura zvivi zvake, akasangana nehasha dzeMatenga, nedzimwe nguva hoshe yake iya inobva yamudzokerera kune mweya uya wakaipa unobvawauya zve pekarepo.

5 nekuti anenge apinda muJorodhani ayine zvivi.

6 Kana vabvako kuJorodhani wakadaro uine zvivi hasha dzeMatenga dzisina kuuya, asi Matenga vanenge vachiziya zvavo.

7 Kana ukafa uyine zvivi zvakadaro, haupindi mumusha.

8 ndivo vaya vanodzoka ava madhimoni chete, oreurura zvivi zvavo zvose

9 Asi hazvichabatsiri chinhu kwete.

10 Wafa wafa kunze kweguva hakuna rupinduko, nekuti unenge wafa nechaunoziya.

11 Vanonge vakanaka vanoyimbirwa rwiyo 127 Jerusarema .

12 Mwabva kuJorodhani munoenda pamba yeMatenga mwese mwomira ipapo, nguva idzodzo Matenga vanobuda.

13 Vanonge wachizipangidza kuMatenga, vozoudzwa mashoko, zviedzwa muupenyu hwavo, nekusimba kunamata muupenyu hwavo.

14 Anenge akadzamisa pfungwa pakadzama anozvibvunza mubvinzo muupenyu hwake kuti munhu chinyiko muupenyu hwaMwari?

15 nekuti mwoyo wemunhu unoziya zvaakatadza zuva nezuva.

16 Kana kukatangisa kutaurwa nezvawakaita iro riri vhangeri, wotangisa kugumbuka, wotiini nhasi ndawonekwa.

17 Saka munhu anofa nechaanoziya, zvakadaro kuna Juda akafa nechaanoziya Tarisa St. Mateo 27. 3-5.

18 Saka munhu achiri kupomba, nekunwa, nekuroya, nekuputa, nekuba, neruchiva, neutsinye, neshungu, nevanopokana, vanhu vakadaro vanenge vapenyu munyika nyambe vakafa, vakafanana naJuda akatengesa Jesu.

19 nekuti Juda haana kuda kureurura, asi achiziwa zvake kuti Jesu anoziwa zviri mumwoyo make, iye akada mari kupinda waakawona achiburitsa mashura nezviratidzo.

20 Kana vakadaro, ndivo vanozodaidzwa kuti vana vaSatani.

21 Ndizvo zvakauyira Matenga kuti vabvise mweya yakaipa.

22 vanhu vatema takanga takakomborerwa kuwana baba anenzira yeupenyu husingagumi.