Matenga Vanoenda KuChipinge
1 Pakati nezuva rimweni Matenga vamire pakati pevanhu vavo vazhinji zhinji kwazvo.
2 Vanoti vanangu imi makakomborerwa makawonaizvi.
3 Kune dzimwe nyika vanhu havasati vaziva kuti chinhu chinonzi kunamata chiyi.
4 Asi takanga tisingazivi kuti zvinoreveyi-kuzoti Matenga vanotipaita rwenda rwekuenda kuChipinge kwamambo Musikawanhu muna mambo Chibvuwe.
5 Kuzoti zuva racho rasvika Matenga vanoti nhasi ndarara ndiriko ndichigobora zvitsiga zvikuru zvikuru kwazvo vanotizve ndafana ndaunganidza chita chikuru kwazvo.
6 vakati vane maziso emweya vakaratidzwa zvose vasati vaenda ikoko, kwete anemaziso enyama hauzviwone.
7 Matenga vanoti vandinofamba navo mumweya tarisai huwandu hwevanhu ikoko.
8 Vakatizve tarisai nhumbi dzandapfekedzwa.
9 vakanga vaamumweya vakaratidzwa zvizhinji chaizvo.
10 Kuzoti rava remangwanani acho.
11 Matenga vakatora zvirwere zvese zvakatsaukana vachienda nazvo zvose.
12 kwakayenda motokari murongomuna, ne yeMatenga, bhazi raNkomo, yaChareka neimweni.
13 Matenga vanoti ndirikuenda kunoratidza basa ravakandituma nekuti basa iri harisi rangu kwete.
14 Zvirema, mapofu, mbewewe, mheta makumbo, nezvimwe zvirwere zvese zvakakwira vakaone kaGuta vakayenda.
15 vari murwendo rwavo vakapfura nepamambo vakatora Ishe Nyakunu iyo vanga vari mambo Zimunya, Murwendo rwavo vakanga vachiyimba rwiyo runo ti, Tenzi taungana, riridzinde.
16 Vakasvika paTanganganda vakamira ipapo vanhu vakaungana kwazvo vanzwa mutinhimira we Hurukuru idzo dzakanga dzichiimbwa ipapo vakashama kwazvo.
17 Wakabva ipapo vakayenda pamusha paTekeshe munyika yaMambo chibuwe.
18 vakawona pazere nevanhu ipapo pamusha paTekeshe.
19 Dzakanga dziri kuyimbwa Hurukuru dzava Jehova .
20 ndakawona nyika yose yichisungunika nezviro zvose zvakadedera.
21 Hama dzangu mwoyo wangu wakatyiswa nemusandirwe waitwa basa neMatenga.
22 Matsamba avhurwa achivhurwazve, okuparidza shoko ravaJehova, nekuratidza Basa raMatenga.
23 ndakawona mambo vacho vachienda kunoreurura zvivi zvavo zvose pamberi peMatenga.
24 vanhu vakavamba kuuya kuzoreurura kuna mabarani Inosi Rusike.
25 vanhu ava vaiwuya nemakona, huroyi, hun'anga nemazango anotyisa kwazvo.
26 nekuti vakanga vawona chokwadi cheMatenga.
27 Chinondishamisa ndechekuti vanhu vakapinduka paSvondo iyoyo vakakwana 323 huwandu hwavo.
28 Ini paupenyu hwangu handisati ndambowona vanhu vanopinduka zvakadaro kana paSvondo ipi neyipi zvayo.
29 vamwe vavo vazhinji ava vaiwuya kuzopona chete pamweya kwete kuuya nechirwere.
30 vamwe varume vakati chibvarirwe chedu hatina kumboziya kuti chinhu chinonzi Svondo chiyi kana kunamata, tayiti zvango nemakona ndiho hupenyu.
31 Nyamba upenyu nhasi tahuwona pachena Vakatendesa Matenga vakati tapona isu nekuti tasangana neruponeso.
32 Vayipisa Makona, huroyi hun'anga, mazango neyimwe miti ndiBeta naJames avo vakanga wafemerwa masimba neMatenga.
33 Kuti nyanga idzodzo dzirega kuzovakuvadza.
34 paSvondo iyoyo vanhu vakapfekedzwa yunifomu yeumweya ikoko, Matenga vayirapa kayiri pazuva sezvavaita kuGuta.
35 vana vakabhapatidzwa neMatenga washanu Svondo iroro.
36 Matenga vakange vazere nemasimba anotiyisa hope yavo yayipenya kwazvo.
37 ndakawona mambo Chibuwe achifarira kupfekedzwa mbatya yemweya iyoyo.
38 Ndafunga ini ndakati Matenga vakayenda kunodzitsvaga hwai dzakanga dzakarasika.
39 Basa guru kwazvo rinoshamisa rakasandwa pamusha Pa Tekeshe uyo akanga ari muvhangeri weGuta.
40 vanhu vanga vakafanira kushama kwazvo nemabasa anoitwa naMwari pasi pezuva.
41 Kuzoti zuva reChitatu muvhiki rasvika Matenga vakawoneka vanhu vavo.
42 vakayenda nekuChipinge kunowona Ngosi yeikoko kunoyiwoneka.
43 Vasvika pahofisi yacho yepaMudziti.
44 Ngosi yepo yakavafarira zvikuru kwazvo.
45 vanhu vazhinji vakaungana kuzowona. Ngosi iyoyo yakatendesa zvikuru.
46 Asi Tekeshe akanga avachengeta zvikuru kwazvo.
47 Varikuuya kuGuta vakapfuura nepa kudziWonera, vakaita munamato ipapo.
48 pipi , ayiva masikati, asipaiva nenyuchi dzaivapo.
49 Matenga vakatora mvura vakainamatira ikava mushonga vakamwayizira ipapo panyuchi.
50 vakadzibata neruwoko vakadzibvisa ipapo.
51 Nyuchi dziya ndokubvadzaenda.
52 Vapedza vakauya kuGuta. vakawona chita chikuru kwazvo chakanga chaanenyota chakavagarira kwazvo.
53 ndakawona vamwe vachipembera vamwe vachiridza mhururu vamwe mheterwa kufarira Matenga uyo wakanga wasinaye kwemazuva mashomanani.
54 Ini ndakawona izvi ndinoti ndakakomborerwa, bva pamwe ndine nhamo zvepamaziso angu nenzeve dzangu vanhu vaMwari ngatifungeyi pamashoko ese aya apo munenge muchi vaerenga tiise pfungwa pakadza.
55 Tizvibvunze kuti komweya mutsvene vakauya here?
56 Uyo wakataurwa Kondiyani anoita mabasa ese anoshamisa akadaro munyika.
57 Ngatifungisisei nguva ichiripo vanhu vaMwari.