Guta Ra Jehova
Lesson 114

Majaha Nemhandara MuGuta Ra Va Jehova

1 zuva iroro mangwanari eSvondo majaya nemhandara vakanga Vakapfeka yunifomu vakasimudzwa.

2 Vakamiswa rutivi rwavo vega.

3 Vakaendeswawo nava M. Mushonga na va Tewende nevamweniwo.

4 vakomana neVasvikana vakanga vasina yunifomu vakaendeswawo kuJorodhani nevamwewo vatungamiriri vakanga vasarudzwa.

5 vakanga vasina yunifomu vayimba rwiyo rwavo rwekuti ndasunungurwa nevemudirongo rangu.

6 vakanga Vakapfeka yunifomu vaiimba Jerusarema musha wangu musha wakanaka.

7 Pakudzoka kwavo vakanga vaine yunifomu vaya vayipembera nemashizha avo nezvigumbu zvawo.

8 vakanga vasina yunifomuwo vakanga vachipemberawo vachiimbawo rwiyo rwavo.

9 Veku Jerusarema vagadzikwa pasi vakaita maraini maviri revakomana rega revasikana rega.

10 vakanga vakatarisa kumabva zuva.

11 Matenga vakanga vagadzira mishonga wemvura.

12 Vasikana vakanga vachinwiswa, vachinembwa nyembo pahuma dzavo.

13 Vakakomana vakanga wachidonhedzerwa mushonga iwowo mumaziso avo.

14 Matenga vachiti vaJehova bvisayi ruchiva mumaziso avo.

15 Izvi zvakatyisana nemwoyo wangu vanhu vava Jehova .

16 Matenga vakati nhasi munhu wozvisarudzira ega kuti unoda here kwenda ikoko kumatambudziko kujeri ra Satani .

17 baba vakati baba havadi mwana akatapudzwa ropa nevakomana.

18 Kana akauya akadaro kuno anoraswa.

19 Asi baba naMai modya chuma chenyu muchinatsa ziwa kuti mwana wenyu akakwana.

20 Ngati chemererei tichiri vapenyu muMatenga, mudenga mune Jeri ra Satani . Amen.