Guta Ra Jehova
Lesson 132

Musangano Wekuberekwa Kwa Jesu Munyika MuGuta Ra VaJehova PaKirisimasi

1 Musangano uyu wakatyisa ani naani muGuta rava Jehova .

2 ndiwowo musi wakaberekwa mwana komana wemunhu na Mariya.

3 Matenga vanoronga Kirisimasi yisati yasvika rikati vanhu vasimudzwa zvakanyanya na baba.

4 Kuzoti zuva racho rasvika gwayana rakafuma muka rikasheedzera rechiti vaberekwa zvino.

5 vanhu vakamuka vakanga vachiimba Jerusarema musha wangu musha wakanaka.

6 Tava mudivi imomu Matenga vakati denga rose radzika vatumwa vese Vauya kuzowona kuberekwa kwa Jesu muGuta.

7 vakauya vakawandisa chaizvo, Tarisa Meteo 1. 18–25 na Mateo 2. 1–12 na Luka 2. 1–20.

8 Musangano iwoyu wekuberekwa kwamambo Jesu muGuta wakatyisa kwazvo.

9 Wuye hazvisakamboitika munyika kuti vatumwa vedenga vawuye vachiziratidza munyika, pipi guru.

10 Nomusi we Kirisimasi iwoyo vatumwa vana Mariya Mai vaJesu, Josefu, Mariya Magadarini, Elizabeth, Wafudzi, wachenjeri, Nyeredzi, Zakariya na mambo Solomoni.

11 vese vakadzika kubva mudenga vachiwuya kuzoziratidza muGuta pipi guru kwazvo.

12 vakanga Vakapfeka zvichena vese, rinodaro shoko magandanga emudanga awuya mumyika.

13 vakauya mudivi vakagara vakatarisa kumabva zuva.

14 Wafudzi nevachenjeri vakanga vachitenderera mwana Jesu akanga akabatwa naMai vake.

15 Matenga vakati Mariya naPitorosi gadzinira hana yako vatumwa Vauya zvakanyanyisisa nhasi denga rose rawoma.

16 zvino rakatarisa mudenga rapedza rakasimudza ruwoko mudenga richiti, Mhondoro dzedenga dziri muno nhasi.

17 Ipapo rakasheedzera richiti vatumwa vedenga yavangwa yenyu iye zvino.

18 Pekarepo ndakawona munhu umwe nemwe achisimuka ne mutumwa wake achibabama achi tenderera divi .

19 zvino vakauya vachitenderedza Matenga vachikotama pamberi paro.

20 Rakati rimire pamberi pavo rikati ndiyani anenzara kana nyota zvayo.

21 Rikati ndiyani ane mucheche arikuchema, asi hapana, zuva rakwira zvakadai.

22 Hamu woni here kuti mweya bedzi mukati meguta.

23 Rikati zvose izvi nemaziso awona, nenzeve dzanzwa bva mbwaimbwai nguva dzose.

24 Pekarepo dhimoni rakabuda, kudzadzi zvakakanga zvabva kurongwa kuti kuwone unenzara idhimoni rinomudaro.

25 Matenga vakati pamusangano uno wevatumwa vedenga vana Herode naJuda ndafana ndawabvisa hapana.

26 zvino ndakawona hope yeumwe neumwe yichifarira zvikuru kwazvo.

27 Rikati kwete zviye zvamaita muri munyika muine zvivi upombwe, kunyeba, huroyi, kuba.

28 Ndiri kutoshingaira kuzvichenesa zvose.

29 Mose maiva vana Herode munyika, Matenga ngariropefadze mashoko aya nekusingaperi. Amen.