Guta Ra Jehova
Lesson 60

Kirisimasi PaGuta MwaZimunya

1 Kwakati rutondedzo rwekuberekwa kwegwayana guru redenga yasvika nguva yeKirisimasi, ndakawona vanhu vazhinji vachiuya chaizvo.

2 vanhu vakawanda zvakanyanya.

3 vanhu ava vakanga vabva munyika dzakatsaukana dzose.

4 Zvakanga zvambo porofitwa neMatenga kuti kuri kuuya vanhu vazhinji, asi zvakaitawo sayizvozvo.

5 vanhu ava vaiuya nezvitima vamwe mabhasi, vamwe nemarori, vamwe nemotokari, vamwe mabhasikoro, vamwe vayifamba zvavo netsoka kuuya kuzoponeswa chete.

6 vanhu vaiuuya kuzoponeswa hosha dzavo dzakatsaukana.

7 Kuzoti zuva rasvika reKirisimasi vanhu vakafuma kumuka, vachiyimba Jerusarema musha wangu vachitenderera neGuta rose.

8 Matenga vakauya vakapfeka nguwo chena chete, vakarapa nayidzodzo, nekuti vakanga vanzi neMatenga unofanirwa kupfeka mweya chete.

9 Ndozvaunorapa nazvo unobvisa idzo dzeun'anga idzo unosorapa nadzo.

10 Matenga vanotinda famba famba nenyika yose ndawona yakagadzirira chayizvo. Asindawona vamwe vatsvuka tsvuka ropa mukati menyika.

11 Anoti Matenga ndayemura imi makakokwa ne vaJehova, muri pano paGuta.

12 Hamuwoni here kuti tose tiripano ropa redu rakasununguka tose nhasi.

13 Matenga vanoti nhasi Jesu vaberekwa kuneumwe neumwe mumwoyo wenyu.

14 Izuva renyu rekupembera nhasi.

15 Asi kune vari kunze nhasi vari mupfupfu nhasi.

16 Asi imi murimuno kudzai Matenga zvazviri nekuti makapfeka mbatya dzvemweya chete.

17 Muchikudza zuva guru regwayana guru redenga.

18 Kuzoti ava masikati vatumwa vadayidzwa vakabudazve vapinda mukati mehana dzevanhu.

19 masimba akawandisa chayizvo kuratidza Basa raMatenga vatumwa vakayimba mugomo tikazvinzwa.

20 Pane zvizhinji zvakaitwa neMatenga zvinotyisa zizhinji zhinji.

21 vanhu wakazofora seMazuva ose zvipato nezvipato.

22 Kuzoti zvapera Matenga vanoti ane nzeve dzekunzwa anzwa ane maziso ekuwona awona, saka pane mubvunzo, kana wodzoka shure tichanosangana ikoko.

23 Asi vanhu vese vakange vakapfeka zvichena neveyunifomu dzavo.