Matenga Vanoiswa PaChashamba Papurazi Munyika Ya Zvimba
1 Vakati vavatora Matenga vakano vaisa papurazi paChashamba munyika yaMambo Zvimba.
2 Papurazi ipapo vakanovaisa mumba yezvidinha yaiva nemarata pamusoro payo.
3 Yakanga yiri yemumwe murume weGuta yakanga yiri imba yakanga yiri mupanda mukati mayo.
4 Papurazi iyoyo yakanga yaka komberedzwa nefenzi yose.
5 Pakaiswa geti nekiyi ne chibhodhi, chakanga chaka nyorwa.
6 Kuti munhu wese waida kuti awonane neMatenga, asvika pagedhi ipapo.
7 vayitangisa kuwona kiyi ne chinyorwa ichocho, chakanga chakanyorwa kuti, Sheedzera, Ridza huta, kana kuti Bhero.
8 Paiti kana waitawo saizvozvo paiwuya varume vairi vaitanga kuuya kuzotarisa kuti ndiyani.
9 Kana vakuwona vaidzoka vachienda kuno danidza Chagaresango, nevamwe vake.
10 Vayiti kana Vasvika pagedhi ipapo kana ada vayikuzarurira asi kanavasingadi vakuudza kuti udzoke zvako.
11 Matenga vakagara ipapo maSvondo matanhatu (6 weeks.)
12 Nezuva rimwe Matenga vakarutsa Zvinoshamisa chaizvo, havana kuziva kuti chinyi.
13 Ndopakati mumwe anonzi Chagaresango akati munoende riniko?
14 Kohamunga ndiwudziwohere akavabata nemawoko ake.
15 vakakanganwa kuti baba ava vaityisa kana kuto nzenzerana navo.
16 Pakati nerimwe rezuva vakatora Matenga vakayenda navo kuHighfields.
17 Vakarara varimo vakadzoka navozve paChashamba ipapo.
18 Asi Matenga vakaramba vachirwara vachingotambudzvika bedzi.
19 Chimwe chinhu nechichi vateyeri veMatenga vakatambudzvika chaizvo.
20 Ini munyori ndakasvika ipapo naZengeni, mushonga na Sheltoni asi hatina kubvumirwa kuti tingawonana neMatenga takadzoka takadaro.
21 Haliluya Matenga ngaakudzwe, Mutumwa Gomo na Rosi vakatambudzika chaizvo.
22 Ndivo vakanga vakachengeta Matenga dzimara pakupfuura kwavo.
23 Ini ndinoti vakashanda basa rinotyisa chaizvo.
24 Dai pakanga vasipo, handizi zvangu kuti zvaita seyi, tinofanira kuvatenda nekuvakudza, kutaura chakwadi.
25 ndivo vaigadzira kudya kwavo, nekugeza mbatya dzavo.
26 ndivo vaiva chengeta mumba imomo, nekugadzira pavairara.
27 Vakango tsunga bedzi dzimara pakupfuura kwavo Matenga .
28 zvino tasara tava nherara panyama asi pamweya tinavo Matenga .
29 baba ava ngaropefadze mashoko avo nekusinga peri Amen.