Guta Ra Jehova
Lesson 47

Kusungwa Kwe Madhimoni

1 Kunoti baba vawona kuti nhasi zvakafanira kuti madhimoni asungwe abviswe.

2 Vanotaura kuvanhu vavo kuti vayende kumba yekusungirwa yemadhimoni.

3 vanhu vapinda mumba imomo, vanoudzwa mutemo wekureurura naBeta na Jemusi, Matenga vasati vauya.

4 Kuzoti baba vauya vanoita muteuro wopera, votanga kureurura zvavanoda kusungirwa mweya yakaipa pamberi peMatenga.

5 Vanoreurura zvidzamu zvakadai nengozi, kuuraya, huroyi, kupomba, kuba, makona, nemishonga yakaipa, nevakatadza zve vari muGuta, kana kumusha kwako, ndozvaano reurura kuMatenga kana vauya nezvimwe zakatsaukana.

6 Ipapo ndaka wona Matenga vazere nemasimba makuru ekuburitsa vanhu madhimoni, mweya yakaipa.

7 vayimbi vayitangisa kuyimba, vanhu vakaita raini vakagara pasi.

8 Matenga vayisimuka pavanenge vakagara vayine masimba makuru kwazvo, vachivasunga mweya yavo yakayipa iyoyo.

9 madhimoni anenge abuda ayinobvunzwa panze, chaanoda pamunhu iyeye.

10 Mamwe madhimoni anoramba kutaura chaanoda pamunhu iyeye.

11 Mamwe anotaura mhosva dzavo achipihwa zvaanenge achida, Mamwe anotaura hari, mamwe mombe achizoenda kumusha kwake kunoripa izvozvo zvinenge zvataura dhimoni rake.

12 Ndakawona mamwe achiripwa mhosva dzavo haana kuzodzokazve pamunhu iyeye.

13 Semadhimoni akadai nengozi, mangoromera, mhondoro, ayiti abuda, ayibatirwana nevarume vakakwana, nekuti anenge achida kurwisawo, sezve asoita kare asati afa.

14 ndakawona vakomana vayiri Beta na Jemusi ndivo vakapihwa masimba nababa pabasa iroro rekubata madhimoni nekubvunza madhimoni ivavo chaanenge achida pamunhu iyeye.

15 Asi aya madhimoni ndakawona asinga tsari pekubuda kana pamunhu mukuru kana pamwana mudiki ayinobuda chete, kana yisiri hama yako raibuda chete harinyare.

16 ndakawona vakadzi wachibviswa madhimoni euroyi nengozi pamwe nevarume.

17 vanhu ava vakunamata Mwari vaine chokwadi , nekuti wakanunurwa mumatambudziko avo avakanga vayinawo muupenyu hwavo.

18 ndivo vakunamata vamirira kuyenda kweMatenga naye.

19 Neni ndakabiswa mweya mizhinji neMatenga vakandibatsira zvikuru kwazvo.

20 Iyi mweya yakaipa ndiyo yinotadzisa vamwe vanhu kuita chokwadi chaMwari, nekuti anenge asati abviswa mweya yakaipa, achinyengedza Mwari seakakodzera munashe.

21 Kana wonamata uchine izvozvi pasina anokubvisa, uchiri hama yemuhedheni.

22 Nenzira yekuti hamuwengi ziwi nguva dzose.

23 Muchirikuda rima kukunda chaedza.

24 Asi chaedza chakauya zvino.