Guta Ra Jehova
Lesson 69

Matenga Vanopindura Mvura Kuva Mushonga

1 Kuzoti ava mangwana acho nemusi weMuvhuro.

2 vanhu vaya vakanga vauya kuEaster vakanga vasati vaenda.

3 Matenga vakatarisa mukati mevanhu vavo, vakawona muine kuchema kwevanhu vazhinji zhinji vachiti toiteyiko kuti tidzokere tisina mishonga wemvura.

4 zvino Matenga vakaziya kufunga kwavo.

5 Vakati mangwanani zuva risati rabuda vanhu vese vakamuka vakapinda mudivi vachiyimba rwiyo runoti Tenzi taungana muno mumba menyu.

6 Matenga vakabuda mumba vakati nezwi guru, endayi kurwizi nemigomo yenyu muzadze nemvura zhinji zhinji.

7 zvino vakadzi vakayenda kunochera iyo mvura vakauya nayo yiri mimigomo yawo, Tarisa St. Johane 2. 112.

8 Kwakaunganidzwa mazana matatu ane makumi mashanu emabhagidhi azere nemvura.

9 Matenga vakanamatira aya mabhagidhi azere nemvura akava mishonga yakatsaukana ose

10 Ayiwa nezvirwere zvakatsaukana zvakadai nemusoro unorwadza, maziso, musana, asima, mvuraye nhumbu, nezvirwere zakatsuakana zvandisina kunyora.

11 Matenga vakati torai bhuku rakanyorwa mishonga inodikanwa nevanhu.

12 Matenga vakavamba kunamatira mvura yose yiri mumugomo umwe neumwe vachiti, iyi imvura yemushonga venhumbu, iyi yemusoro unorwadza, iyi yeupfumi iyi mapofu, iyi mbewewe, iyi mapenzi, iyi yevazere vane vana, dzimara marudzi ese ezvirwere apere, andisina kunyora.

13 ndakawona vanhu vazhinji zhinji vachiimbira mvura iyoyo ikasandurwa ikava mishonga.

14 vanhu ivavo vayitora mvura iyoyo nerufaro rukuru kwazvo.

15 Wachitora vachimwa, vamwe vachitora vachienda nayo kudzimba dzavo, vamwe vachiendanayo kumamisha kwavo kwakatsaukana