Kuwuya Kwechigurangu MuGuta Ra Va Jehova
1 Kuyita kweMatenga kunoshamisa kwazvo, kuti chinhu chino shandiswa mudenga isu tochishandisawo tichiripasi pano.
2 Rakanga riri zuva remangwanani muGuta, vanhu vakanga vabva mugomo umo vakanga vakwidzwa neMatenga.
3 Takati tadzika tichitendera chigaro cheupenyu.
4 Pakanga paine mumwe mukadzi ayibva kuChipinge vakanga agadzira chigurangu asingazivi kuti, ndizvo zvakaita zvigurangu zvemudenga.
5 Chigurangu icho chakanga charukwa nemurara.
6 Mukati mokutenderera umu gwayana rakanga rawona zvarokare.
7 Matenga vanoti tagara muzvigaro zvakagadzirwa na ivo baba.
8 Anoti nhasi mudenga mune mushinga shinga nguva dzose.
9 Pekarepo gwayana rakati zvigurangu zvemudenga munozviziva here?
10 zvino hapana munhu akaziwa kuti chigurangu chiyi?
11 nekuti zvakanga zviri zvemudenga, tose tangatiri vanhu venyama, hapana munhu akanga achiziva nezvemudenga.
12 Matenga vakati mwanangu simuka undipe chigurangu chawawuya nacho muruwoko rwako.
13 Ipapo baba vakati vatumwa vedenga Vauya chaizvo nekuti vawona chigurangu ichi chemudenga.
14 Chizere muma guta akatsaukana emudenga.
15 Ndizvo zvigurangu zvemuma Guta ese emudenga.
16 zvino Matenga vakaburitsa vatumwa vedenga vakanga vachibabama mudivi imomo, vachitenda nekuuya kwechigurangu muGuta.
17 Kuzoti vatumwa vagara pasi, gwayana rakati mwanangu zvino unovarukira here vatumwa vese ava, akatenda kuti anozvita.
18 zvino akayenda kumusha kwake akanoruka zvigurangu zizhinji zhinji.
19 Kuzoti auyanazvo vanhu vayipiyirwa pamba peMatenga.
20 Kuzoti gwayana ririkutsgira rinoti, zvinovhurwa naBaba zvinoshamisa chaizvo.
21 Zvinhu zvinonovhurwa naBaba izvo ndakanga ndisingafungi, asi nyasha dzaBaBa dzinoshamisa.
22 Kune vanofunga vakati uyu ndiMwari.