Guta Ra Jehova
Lesson 157

Musangano Wemasoja MuGuta Ra Va Jehova

1 Haliluya, Haliluya baba ngarirumbidzwe Amen.

2 Ruwadzano rwevakomana mukati meguta ra vaJehova.

3 Yakati nguva yakwana yekuti zvinoitwa mudenga, zviitwe wo pasi pano.

4 zvino baba vakasheedza vatumwa vemasoja emudenga kuti adzike pasi pano.

5 zviro kwazvo vakadzika vakasviko gara pamunhu umwe neumwe akanga akapfeka mukwakwa.

6 Vanodaro baba vadzika vakomana vehondo vana mushambira kurwa.

7 Kwete masoja ekurwapa nyama asi masoja ekukudza musiki .

8 Zuva iroro vatumwa vemasoja akaburitswa.

9 Vakomana vatatu vakanga vakapakatira iyoyo mikwakwa mirefu vaiva muvhangeri Mhundwa, Nowa naJames mushauri werwiyo rwemasoja.

10 Kuzoti vanhu vese vapfeka mikwakwa iyoyo mirefu yakanyorwa chinyorwa chemudenga G. R. J. ndaramu yeupenyu husinga gumi uri mufananidzo weropa ra Kristu.

11 Masoja iwaya akauya nemushonga wavo wainwiwa svondo nesvondo.

12 Vakauya ne mwoto vavo vakawonekwa mumakomo tikazviwonera tose.

13 Rino daro shoko revatumwa vemasoja ava vadzika iye zvino muchenjere navo vanhu vacho vane hasha.

14 Zuva guru reMugovera zuva re masoja mukati meguta ravaJehova.

15 ndivovo vaiva mhombwe, mbavha, magandanga, vanyepi, varoyi, magororo, vamwe vaiva nedzingozi.

16 Asi nhasi vese vakasunungurwa ndibaba, hupombwe huya ne huroyi ne dzingozi dziye zvikabiswa zvose.

17 Saka Baba vakaisa mutumwa wemusoja pamunhu umwe neumwe, kuti ave anonunurwa paupenyu hwake.

18 Shoko rakati panofanirwa kuva nemureza, ne pito, nengoma, hosho ne madoropito acho zvinodikanwa kuvapo.

19 zvose Izvozvo zvikavapo nekuti vanhu vayiziva kuti zvine upenyu husingagumi.

20 Zuva iroro rakatyisa chaizvo denga nenyika zvikachinja.

21 Nerimwe Svondo pakagadzwa mutumwa mukuru pamumwe murume akanga agadzira ngoma akanzi ndi Charovanhumba, chavundura chikomborero Africa.

22 Yayiti ngoma iyoyo yorira ne hosho ne madoropito acho zviro kwazvo masoja ivawo vaitamba, mikwakwa yavo yaifanana nevanhu varipamabhiza.

23 vachiyimba zvakanga zvichityisa kwazvo, kwakanga kusiri kutamba kwavo asi kutoti vakanga vatogarwa nevatumwa vemasoja.

24 Vakanga vachiyimba chiyimbo chavo Watakura kuyipa Jesu kusiri kuyipa kwako.

25 Pakati nerimwe zuva ava manheru kwakatinhira chiyimbo chechiimbwa.

26 zvino pekarepo vanhu vakawona chadzera chemwoto vaipfuta uri mugomo rekumabva zuva.

27 Rino daro shoko chakanga chiri chita chevatumwa vemasoja.

28 vakauya kuzogara pananhingi na nhingi kuti amuchengete paupenyu hwake neparufu.

29 baba vakati mikwakwa yemasoja kana mogara pasi musasibisa pfinha munoapeta pamakumbo enyu.

30 Zvaanofanira kuva nematsa marefu anoyeyedza.

31 Papi nepapi pairira ngoma idzodzi zvirokwazvo nyika yayi zunguzika, yayi vhundura muhana youmwe neumwe.

32 Haliluya baba ngavaropefadze mashoko aya emasoja nekusingaperi. Amen.