Guta Ra Jehova
Lesson 122

Baba Vanobva Sinoya Richienda Harare

1 baba vakasimuka kubva munyika yeSinoya umorakanga ratutsirwa nababa.

2 Kune vakanga wechipokana Vakasara vakadaro.

3 Kufanana neMazuva aya aishe Jesu ne vazhinji vaka sara vakanga vachiti sandi mwanakomana waMwari Vakasara vakadaro.

4 Nanhasi uno zvirikuitikawo saizvozvo.

5 Kuwone vaiti hakuna zviroko Vakasara vaka daro, vakatenda zvirokwazvo ndivawo varikuchirira mukati meguta.

6 Ndwendo mbiri dzakasunganidzwa pamweya ne panyama rakadaro gwayana riri kutaura vanhu vashe.

7 Kuzoti tava muHarare mvura yakanga yiri kunaya.

8 Tasvika ku Highfield, pipi rekutanga Matenga vakamisa mvura.

9 Rakanga rabva kuhofisi yaMudziti uko rakanga rati ndawuya muno kuzoshanda basa ravakandituma.

10 Ngosi yikati enda undo shanda basa rako rinozikanwa rakanaka.

11 Takawona imba yeMatenga yavakiwa panzvimbo yacho yakanga yiri mukati memapuranga marefu refu.

12 zvino mukoma akatangisa kuimba dzinde Tenzi taungana ari mudivi reipapo.

13 Dhorobha rose rakazunguzika vanhu vakatanga kumhanyidzana, vachibva mudzimba dzavo.

14 pipi guru rakanetsa vanhu ava rakanga riri remvura yakanga yamisiwa neMatenga vakati uyu ndiMwari.

15 Pakauya mazana nemazana evanhu, vamwe vayi reurura vamwe vaiwuya kuzowona vachena nevatema.

16 zvino dhorobha rose ranzwa kuti Matenga variku Highfield rakazunguzika.

17 Nevavengi vakauyawo vachida kuzoparadza Basa ravakatumwa.

18 Chinoshamisa ndechichi vano sara vosika zvinhu zvose zvinonge zvaiswa pachena.

19 vanhu vaMwari tayifanirwa kuziya kuti iri iBasa guru raMwari wuye sandi nyore kuputswa nemunhu.