Guta Ra Jehova
Lesson 12

Kuponeswa Kwe Vanhu

1 Kwakauya varume vakanga vasingabereki nevakadzi mhanje dzakagara makore dzisina vana.

2 ava vanhu vairapiwa neruwoko chete, zvisakamboitika munyika, akava nenhumbu.

3 Vamwe vakava nevana nekushingirira vazhinji chaizvo.

4 nekuti vakachengeta mirairo yeMatenga.

5 vamwe havanakusimbirira vakazvidza, nokudarika mirairo yeMatenga, asivakashaya chiyamuro, vamwe vakadzokera shure.

6 ndivo vaya vanotaura kuti hakuna ruponeso .

7 Kovamwe vakawonaseyiko ruponeso ?

8 Asi iwe wakabvapo, nekuti vakanga usina kuchengeta mirairo yacho yinodiwa.

9 nekuti wakada kupona uchinezvivi.

10 Koungaponaswe seiko?

11 Iwe uchiri kuda zvenyika, zvinorambwa naMwari.

12 Taura chokwadi hamadziponewo.

13 vamwe vakapfuma, usazonamata mifananidzo hazvidiwi bhaibheri rinodaro.

14 Mukati mwenhanje zhinji idzi mune vamwe vakabviswa zvibereko muma hosipitari, asizvino, vawuya paGuta roruponeso vatovane vana nenzira yeMatenga.

15 Varume vakanga vasikambobereki kana kufunga nemukadzi vavo nenzira yekuhura asi vava varume.

16 nevachena vakanga vasina vana, kwemakore mazhinji vakabereka nenzira yeMatenga.

17 Varume vakanga vasingabereki vakazouya wanzwa, pasina vavadaidza.

18 Chinhu chikuru chakadaidza vanhu ivavo rudzi nerudzi, ndimi nendimi dzvakauya kuzoponeswa.

19 Vakarasa zvose zvakaipa zvavo vakachengeta mitemo yeMatenga.

20 Asi kunevaiwuya nehosha dzakurisa.

21 Asi Matenga vakatarisa munhu iyeyi, vakati anofa anofawo, akanzi haana kupedza kureurura, kuti akazoreurura zvose anopona.

22 Anenge asina kupedza kureurura kuti afa munhu iyeyi anotozodzoka rava dhimoni, woreururazve zvaakasiya.

23 Asi hazvichabatsiri chinhu, wafa, wafa kunze kweguva hakuna munamato , ndozvakaita vamwe paupenyu hwavo.

24 Saka tinofanirwa kugwinya vanhu vaMwari.