Guta Ra Jehova
Lesson 71

Rwendo Rwe Matenga KuGunde

1 Kwakati kwapera mazuva mayiri, shure kweEaster Matenga vakasimuka muGuta vakaenda ku Gunde kumusha kwake kwaChitsunge uko vakwonera basa rose iri.

2 vakatanga kudaidza vatumwa vemakomo umo makabva basa remweya rwaMatenga.

3 Kuzoti vasati vasimuka, Matenga vakapfekedza vanhu vakanga vakasvikirwa nemweya yevatumwa, weGomo newemuwuyu, vakapinda mudzino wakawoneka chita chose.

4 vakayenda vakakwira motokari dzino kwana nhatu, vayifamba zvinoshamisa kwazvo.

5 Pakufamba kwavo vayiimba rwiyo runoti Tenzi taungana, vakafamba vachiimba usiku hwese dzimara vasvika ku Gunde nemweya yevatumwa yakanga yiripo.

6 Vakasvika usiku vanhu varara.

7 Asi vanhu vakauya usiku ihoho vazhinji zhinji pasina kakavadaidza.

8 Asi vakanzwa nemutinhimira chete.

9 Akati ava mangwanani vanhu vakaungana zvinotyisa chaizvo, kuti vawone Basa raMatenga.

10 vakayenda kugomo vapedza vakayendazve kumuwuyu.

11 vamwe vavo vakaratidzwa zvinotyisa kwazvo.

12 vakati vapedza kushumira, vakadzoka kumba vakawona pazere nevanhu vazhinji zhinji.

13 Kuzoti Matenga vamire pakati pavo vazere nemasimba vakaparidza nebasa iroro.

14 zvino vanhu ava vanzwa mashoko ekuponeswa.

15 vamwe vavo vakabvunza vachiti, tinga poneswe seyiko tiri kuda kupona?

16 Ipapo Matenga vakawona kufunga kwavo, vakati anoda kuponeswa ngaende kuna mabarani kuti areurure zvivi zvake zvose zvaakatadzira Mwari achiri munyika.

17 zvino izvozvi zvakawagutsa mumwoyo yavo.

18 Vanhu vazhinji vakasimuka vakayenda kunoreurira, vakabatwa pamusoro nevamwe vakanga vadzokera shure vakabatwazve musoro kechipiri.

19 Nekuti vakanga vadzoka mumabasa aya avakamboti havachazoiti zve narinhi.

20 Matenga vakati avakuva bata pamusoro, wekarenewatsa.

21 vakanga vagara vakaita raini vakagara pasi, vakatwasanudza tsoka dzavo nemawoko avo.

22 Matenga wakanyaakamira pane wekutanga, akatarira mudenga, akamira akasimudza mawoko ake.

23 Vapedza vakatangisa kuisa ruwoko rwavo runoyera pamusoro pewekutanga, nevachipiri, kuzoti pane wechishanu, vanhu vese veraini iroro vakapera kuwira pasi nemweya yetsvina kana kuti madhimoni.

24 nekuti vakanga vaakutyiswa nemweya mutsvene uno penya unopisa madhimoni.

25 vese vakaita semanhanga kana kuti matikiti kuti rakata pasi, pamusana pemweya yakayipa yakanga yakavagara.

26 zvino Matenga vakadaidzira nezwi guru kutanda mweya yakayipa.

27 Ipapo mweya yakayipa yakatiza kubva kuvanhu ivavo yikaenda musango.