Kutendesa Kwemadzimambo Pamberi PeMatenga
1 vakati Vapedza kuratidzwa Basa raMatenga.
2 Madzimambo akatanga kusimuka umwe neumwe achitendesa nevvakanga zvaitwa pamberi pavo.
3 mambo Zimunya vakasimuka vakataurawo nekutenda kwavo.
4 mambo Mutasa vakasimuka vakatendesawo, naMaranke, naChirara.
5 Ese madzimambo aya vakatendesa nekuvakwa kweGuta, musina bopoto, nezvavakaswera vachiwona pamuswere wese.
6 vakati nhasi, hapasisina munhu anozouya achitinyeberazve, kuti Guta rakati kana kuti Matenga vakati, Nekuti nhasi tagutsikana isu.
7 Hokoyo kune avo vanouya vachidaro pamberi pedu.
8 Isu tagutswa nezviri pano hameno hako uchiri kupokana pane izvi, basa riri pano ndera Mwari .
9 Mukutendesa kwemadzimambo aya kwanga kuchityisa kwazvo.
10 nekuti hapana neumwe wavo akanga achishora Basa raMatenga kwete.
11 Kuzoti va pedza kutaura, Matenga vakasimuka vakatendesa nekuuya kwemadzimambo aya.
12 Pekarepo gwayana rakati Basa roga randakauyira muAfrica ndiro rinozvipupurira, kweteini kuzvirumbidza.
13 mwoyo wangu wakayenda panoti Africa iwe takanga takomborerwa. Amen.