Kusvikaze PaGuta Ravo
1 Matenga vakati vadzoka kurwendo urwo vaanzi nemweya chimbo famba uyende kwaChitsunge ne kwaUmtali.
2 Vasvika paGuta rekwaSeke mweya ukati pano hapasisina nzvimbo yakoba.
3 Matenga vakayenda kunowoneka Ngosi yapa Goromonzi.
4 Ngosi yikati ndokupa wani eka nehafu pataundishipi.
5 Matenga vakataurira vanhu vavo saizvozvo.
6 Asi baba vakayenda kunowona nzvimbo iyoyo, vakawona yiri diki diki kwazvo.
7 Vadzoka vanoti ndawona mwoto muGuta bvisai nhumbi dzenyu iyezvino.
8 Mwoto ndawona mwoto muGuta bvisai nhumbi dzenyu iyezvino.
9 Guta rikatsva rose, nemwoto unotyisa kwazvo, hapana akandzimura.
10 Kuti zvidzadziswe zvakataurwa nemweya vachiri kwaMutari zvikaitikawo saizvozvo.
11 Kwakapera mazuva mayiri Matenga vasvika chaita basa mweya vachiti, chibva nguva yakwana.
12 Kuzoti shoko rabva kuNgosi kuti Guta harimo bvipoba, Matenga vakati kuvanhu vavo ini ndavakuyenda kwaMurehwa nhasi uno, handicharari pano mwosara muchichengetwa naChihota na sabhuku Kandawa, Hapeno Ishe Seke.
13 Ndinonorara muHarare nhasi, mangwana ndoenda kwaMurehwa.