Guta Ra Jehova
Lesson 17

Huchapupa Wadhokota Mukuru

1 Uyu Professor C. H. G. Macafee akashanyira Matenga .

2 Anzwa nemukuru mbira kuti kune Matenga vakawuya arikuponesa vese vanodaira kuna iye vanoponesa.

3 Asi dhokotera uyu vanoti yemubhuku raakanyora rinonzi nechirungu, (Central Africa Journal of Medicine). Kana ukawona iri bhuku onowona chokwadi chema dhokota ose.

4 Uyu dhokota vanoti iye akashanyira Matenga .

5 Asvika kuzozviwonerawo nebasa raishandwapo.

6 Anoti isutakakundikana neBasa raMatenga. vanoti iye akarapa kwemakore mazhinji asizvaakawona zvakamushamisa zvikuru kwazvo.

7 Zvikawa nekumutyisa kwazvo. Asi kana paine anoda udhokotera chaizvo ngaende kuMatenga.

8 Anoti isutakarapa mumahosipitari mazhinji nedzimwe hosha, tikakadzitadza kudzirapa.

9 Nevamwe takanga tabvisa nezvibereko zvose.

10 Asi Matenga vakarapa vanhu ivavo, vatakange tabisa nezvibereko kuti wasazova nevanazve asi zvino ukaendapo unowona vane vana.

11 Asi imi vanhu vatema makakomborerwa kupihwa Matenga .