Kusimwa Kwenziyo Dzemaguta Emudenga MuGuta Pipi Guru
1 zvino Matenga vawona kuti vatumwa vese vedenga vazara munyika.
2 Rikati ndino muudzayi kuti Guta rimwe nerimwe rine rwiyo rwaro.
3 Rikati zuva ra Mhiriyemu Izuva reChitatu munofanirwa kuyimba rwiyo 77 Wona vanhu vako Mwari kudza dzose nguva.
4 nekuti Mhiriyemu vakanunura munhu wese kubva mukati mematambudziko.
5 zuva reChina ndere Guta ra Jeneti . ihukuru kuru chete, Tenzi taungana nechuni yake.
6 Dzimara kusvikira pamaperero eshoko rakewo.
7 zuva reChishanu ndi Jobo mukomana wemakiyi Guta rababa Jerusarema , nerwiyo rwavo weJerusarema musha wangu musha wakanaka.
8 zuva reMugovera rinenge riri zuva remasoja akadzika munyika, zuva reruwadzano rwevakomana e G.R.J.
9 Ne rwiyo rwavo, Watakura kuyipa Jesu kusirikuyipa kwako, rwiyo rweGuta ra mambo Jesu.
10 Kouya Hova Nemusi weSvondo nedzimwe nguva, mune vakomana ve ma Pumhu nemajamba avo machena, vachiimba Hova dzeruponeso dzinoyerera.
11 Kouya Nowa, Tenzi taungana dzinde mutakuri wezvose, zvinenge zvanetsa.