Guta Ra Jehova
Lesson 92

Musango Wengundu Yevekumabasa MuGuta Ra Va Jehova

1 Yakanga yiri nguva yekubva mumusangano wechigurangu.

2 zvino vakomana woveumaBasa vakanga vaisa chichemo chavo pamberi peMatenga, kuti tingahugarawo seyi uhu umambo homudenga.

3 zvino mukumbiro wavo wakasvika ukatambirwa neMatenga.

4 Musangano uyu vakanga warumbidzwa.

5 zuva rasvika zuva rakatyisa na nemwoyo wangu zuva ratakapihwa umambo hwemudenga.

6 Saka iri zuva rakatyisa, nekuti hazvisakamboitika kuti muAfrica apihwe chiremba chemudenga waMwari.

7 Chinhu ichochi chinhu chinokosha kwazvo kwazvo vanhu vaMwari.

8 Matenga vakauya vakati musanganouyu mukurukwazvo warumbidzwa nababa.

9 nhasi kwagadzirwa zvityiswa zvizhinji kwazvo kuti munosangana nazvo.

10 Komauya mese here, asi shoko ririkuti motokari yirikupiko.

11 Yanzi naBaba pamusangano mukuru wakadai hayifanirwe kushayikwa.

12 Kuzoti Matenga vataura vachitaurazve vakanga vasina kufadzwa nazvo.

13 Pekarepo mvura yakatanga kunaya rikayenda.

14 Tsitsi dzegwayana dzinoshamisa, ravakumba rakati vanhu ngavayendeswe kuhwanyanza.

15 Vakayendeswa vese, newawaya vakanga wayenda kunogadzira mota vachiwuya nayo vakanzi vatutsi rwavo variko.

16 Waswera vachiratidzwa zvityiswa zuva rose.

17 vamwe havana kuratidzwa nepamusana pezvifananidzo zvakanga zvakavagara.

18 Vawuya mudivi zvino Matenga vaiwona zvikonzero zvose.

19 Rayi sheedzera richiti hokoyo chifananidzo kupsa pamunhu wangu.

20 Nevakanga vasingabudirwi ndakawona vachiBudirwa zuvaro.

21 Kuzoti remangwana racho zuva reChishanu vanhu vakafuma muka vakayenda mudivi .

22 zvino ngundu iyi yakanga yisina kufanana nedzimwe, yakanga yichityisa kwazvo.

23 Kuzoti ava masikati vanhu wakaBuritswa mumba yavakanga vavharirwa vakapinda mudivi .

24 Matenga vakauya, vakati yakwaNazvino nguva yekuti mugadzwe umambo hwemudenga ngundu .

25 Pekarepo risati ragadza rakasvetuka rikaenda apa neapa.

26 vanhu vakavamba kubudirwa nezvifananidzo.

27 Zimwe zvakanga zvichida kuuraya vanhu wezvakanga zvigere.

28 Kudzadzisa zvakanga zvamborongwa neveya.

29 Chakashamisa pakugadzwa ngundu idzi, dzakatanga nekuvarume dzichizogumisira nekuvakadzi.

30 zvino varume vayiri vakabva wapfekedzwa mabhande matsvuku eG. R. J. zuvairo.

31 Mwoyo wangu wakaparukirwa nevvakanga zvaitwa panesu zuvaro.

32 Mukati mekungetora piwa, varume vayiri ava vakanga vapiwa mabhande matsvuku vayirapiwa vakatarisa kumabva zuva.

33 zvino masoja nevarwi neve yunifomu yekwa Jeneti vakange vachitamba zvaityisa kwazvo.

34 Kutamba kwavo kwakanga kwuchifanana nemabhiza aripa mujaho.

35 Ini ndakati zvavo vakaropafadzwa vakawona izvi vachiri vapenyu.

36 zuva reChitatu mumusangano uyu, zvino vanhu vakafuma muka vakapinda mudivi .

37 Matenga vakauya, vakati nhasi muchapihwa chipikirwa .

38 Chipikirwa ichi chakatanga neku varume.

39 vamwe wayibudirwa zve nezvifananidzo, Zvimwe zayida kurauraya, bedzi tsitsi dzeMatenga dzinoshamisa kwazvo.

40 ava masikati Matenga vakauya mudivi , vakati yava nguva yenyu yekutambira vamwe wenyu vagadzwa umambo .

41 zvino pakaita mutinhimira unoshamisa kwazvo, payimbwa zvakatyisa.

42 rava zuva reSvondo, Matenga vakati ngundu iyi yatyisa chayizvo.

43 Tarirai muwone pazuva ranhasi, tichatsarura mbewu yakanaka, yiende payo yoga.

44 Asi mbewu yakayipa muchawona iye zvino.

45 Pekarepo Matenga vakadanidzira vachiti mbewu yakayipa ngayibude iye zvino, musare mbewu yakanaka.

46 Matenga vakati chese chandinenge ndataura chinodzadzikisa.

47 Tarirai zvatoitika pamberi peusu hwenyu mwese muchiwona.

48 Zvapera izvozvi Matenga vakati ngundu iyi yiri kutyisa vanangu.

49 zvino zvanzi naBaba ngapave nedhishi rine mushonga wemvura.

50 vese vakayenda kungundu kare vauye vachigeza mawoko avo vachikwazisana neava.

51 zvino Matenga vakanamatira mvura yemushonga vakaisa mudhishi iroro.

52 kwakatanga kugeza mutumwa Gomo, kukauya muwuyu ne vamwe vatumwa vakuru vakuru

53 Zvino Matenga vakati vanangu zvirongwa zababa zvinoshamisa wuye zvinotyisa.

54 Pekarepo Matenga Vakatangisa kuyimba ruyo runoti, Nditarire nekufara iwe wanga wandifira ishe vangu.

55 vanhu vakabva vatangisa kuyimba.

56 Pekarepo denga nepasi zvakadayirana.

57 Remangwana acho rakariri zuva reMuvhuro.

58 Matenga vakati kuvakomana vaviri vaya vakanga vapiwa mabhande matzuku.

59 Mapihwa mazita iwe rako ndi Charisi, iwe muniyina wacho rako ndi Johani mudikani.

60 Vakati vanangu daimaichengeta chipo ichi marega kutamba nazvo.

61 Manga mapihwa vachengeti paupenyu hwenyu.