Guta Ra Jehova
Lesson 34

Zviratidzo ZveMatenga

1 vanhu veMatenga avo vavakabata pamusoro vakawanda kwazvo munyika yose.

2 Asi pakati apa kune vamwe vavo vakachengeta mitemo, asi vamwe havana kuchengeta kwete sekurairwa kwevanonge vaita iwo.

3 Panoti nerimwe zuva kwakava nechiratidzo chemwana akafa achichiri mwana mucheche.

4 Apihwa muti na sekuru wacho kumusha kwavo akarwara kwazvo, nekuti akanga ari mwana weMatenga.

5 Akanga apihwa mushonga achifunga kuti apone.

6 Nyamba uya haadye mishonga yenyika kwete. Akadya akabva afa.

7 Shure kwema zuva mashomanani afa, mwana uya akabva aita shungu kuna sekuru vake.

8 Kuti mwakandipireiko mushonga, imi muchiziva kuti handidye mishonga, dzimara ini ndife.

9 koMatenga vakanga vafa here? kuzondipa mushonga wenyu wemunyika ini, ndanga ndiri wenyama here, rakava pipi guru.

10 zvinoitika paGuta raJehova zvinoshamisa kwazvo.

11 Uyu mwana akataura pana sekuru vake neizwi diki remwana muduku.

12 Zvakashamisa ani naani akanga aripo.

13 Matenga vamire pamberi pevanhu vavo vanoti, mwazviwonera mwega.

14 Ndiri kumutambudzikira siku nesikati kuti muwone vana, nyamba muri kuuraya vana vangu, mumamisha menyu nenzira yokudarikira mitemo yeMatenga chete.

15 Iri rakava pipi , rakatiyisa chaizvo kuna ani naani, paGuta raJehova itsva.