Guta Ra Jehova
Lesson 49

Kurapwa Kwevanhu

1 Paguta raJehova panorapiwa vanhu zuva nezuva.

2 vanorapwa muzvirwere zvakatsaukana, hapana chirwere chisingarapwepo zvose zvino rapiwa ipapo, ndakazviwonera nemeso wangu.

3 Pano paGuta raJehova kubvira kuGuta ravo dzimara muGuta mwaZimunya, Matenga vanorapa kayiri pazuva mangwanani nemanheru

4 Matenga vanzi ne vaJehova kwira mugomo anokwira kunoshingaira mweya yedu.

5 Matenga vanokwira mugomo pamwe mangwanani pamwe masikati pamwe manheru pamwe usiku kana kunze kooda kuedza kunoshingaira pitorosi na Mariya kuti tiwo kupona.

6 Kana wobva mugomo imomo pamwe vanenge vakabatwa nemasimba chaizvo, vachipinda mudivi , pamwe kunze kwayedza.

7 Vanosheedzera vari mugomo imomo. Kana vanhu vakarara vanotomuka vachienda mudivi .

8 Nedzimwe nguva vanotouya zvavo vainavo masimba asi asakanyanyisaba.

9 Kana vauya vaine masimba akanyanyisa kuwanda, kana ari manheru vanhu wayiimba nesimba chaizvo vanenge wafemerwa mweya unoyera.

10 Wanotangisa kurapa zvirwere zvakatsaukana zvose, vayinemasimba chaizvo.

11 vachirapa maraini ari ese, pamwe mweya yetsvina yinobuda, ndiwo madhimoni, ayitaura mhosva dzvavo, achitandaniswa.

12 Vazhinji zhinji vayibatwa nemasimba chaizvo apo vanenge vachirapa.

13 Kuratidza masimba aMwari.

14 Kunotanga kurapwa (nedzimwe nguva) Huwandu hwavo zvirema ... 56; Varume ... 569; venhumbu ... 952; vazere nevana ... 348; Varwere evakadzi ... 460; Mbewewe ne Mapofu ... 89; Mapenzi ne Wedenda ... 72; Wekuuchikwa ... 96; Vanyowani ... 82; Vose... 2,724

15 Kune varwarisisa vasingakwanisi kuvsikira muraini rekurapwa.

16 Vanoteurirwa ne n'anga dzeGuta mudzimba dzavo.

17 Ndivo vaya vanoudzwa zvezvikonzero zvaanorwara nazvo.

18 Chifungai huwandu hwevanhu ava vano rapwa ne 1 ava 5 minitsi chete vanorapwa neminwe chete, mangwanani nemanheru.

19 Hapana dhokotera kana n'anga yinga rapa zvakadaro pahuwandu hwevanhu vakawanda, ngekanguva kashomanani kakadaro, handisakombozvi woona, kabva vanhu vamwari tanga takafanira kufungisisa tichiri vapenyu, hamushamiswi nazvo here?

20 Saka masimba emweya haayenzani neenyama kwete.

21 Vayiti vanhu Vapedza kurapiwa neMatenga vokwira mugomo.

22 vanhu vanokwira mugomo nerufaro rukuru kwazvo.

23 vari mugumo imomo vanenge vachiyimba rwiyo 100 Ishe taungana, kukokera hama neshamwari dziri mumatiri mana ese enyika.

24 vamwe vakwira imomo vanenge vaine zirwe zvakatsaukana vamwe vanotobvamo vaponeswa zvavo.

25 ndakawona chimwe chirema changa chisinga fambe chikabvamo choofamba, chichiwirikidza Mwari wacho.

26 Vayiti vabva mugomo imomo vachiyimba nezvigurangu.

27 Vasvika padivi vanenge vachiyimba, kanguva ikako vanovamba kutenderera divi rine upenyu, kana kuti idziya reupenyu.

28 Matenga vanoti vanhu vapedza kutenderera vanogarisa vanhu pasi.

29 Vanoti vamire pakati pevanhu vavo kana kuti vanhu vavo vanenge vazere nemasimba vachitaura vachiti :

30 'Ambuya vanoti mangwanani vana vangu, marara seiko paurefu hweusiku hwakadai.

31 Tachengetwa tese nevabva kumabasa nevari muno muGuta tinotendai vaJehova vatichengeta zvakadare.'

32 Matenga vanoti vana vakanaka, muviri yenyu yava simbi, zvamunonge muchimhanya munonge muchitozviratidzai kunababa chaunoda, asi uno chiwana, baba vanodaro ndigere pachigaro.

33 Kana muchikwira mugomo munenge muchitozviratidza kuna baba, kuti honayi ndava murume kana mukadzi akakodzera kubudikidza newemwa katuma, vakandinunura mumadzudzo, zvino ndaakukwanisai kumuvirikidza siku nesikati.

34 Kana paine zvizviyiso mutumwa anotaura, apedza pano imbwa rwiyo rweku budisa vanhu mudivi .

35 vanhu vakabatwa pamsusoro vano kwana 60,877 neMatenga huwandu hwavo nanhasi varikuwuya, varungu nevanhu vatema.