Guta Ra Jehova
Lesson 3

Kutangisa Kwavo Basa

1 Vapamusha pavo pavakaberekwa mwamambo Chitsunge, Sabhuku Madindi.

2 Munyika yeBohera.

3 Ndipo pevakatanga kuita basa, vaipota vachienda mugomo riri ikoko, wachirara varimo vachinamata, wachizoyenda ikoko.

4 Vaizoyenda kumakomo aya mairi.

5 Ndipo pevaiti mazuva mamweni vaiswera vari mumba wasingatauri nemunhu kwete.

6 Ndipo pewai potawe cinamatazvikuru. Wacipiwa masimba naJehova.

7 Nekuti vaJehova vakanga waaudza kuti, varwarisa zvakanyanya zeropa ravo rawashoma.

8 Nemwoyo vavo vakange va muduku chaizvo.

9 vaJehova vakanga wabandaja mwoyo wavo.

10 Saka vakanga wasingabvumurwei kutaura nevanhu kweMazuva.

11 Iwawo Mazuva vaiswera vachipangidzwa zviratidzo.

12 Ndiyo nguvaye vaiswera varimumba vachipangidzwa zviratidzo, nenguva yevaiyenda mumakomo, vachipiwa masimba ekuzoitisa navobasa ravo.

13 Ndikokuuya kwavo munyika mweya mutsvene .

14 Mumakomo imomo ndimo mavaipihwa masimba avanorapa navo.

15 Vapihwa masimba ivavo vakafamba wachirara pamudzimba pavanenge vadaidzwa pane anorwara.

16 Vakatanga kuponesa mudzimai waChitsunge.

17 Nevamwe vanhu vakaponeswawo.

18 Ishe Chitsunge vawona izvi, vakavatora ndokuyenda navo kuhofisi.

19 Vasvika ipapo iye Chitsunge ndokutsanagudza basa rekuponesa vanhu zavanga wachiita.

20 Ngosi yepo yikati, ndafara zvikuru, zvakafanira kuti vayite zvavo pavanoda napo.

21 Vakafanira kuyenda zvako kwaunoda, ini ndawona kuti basa rako iri nderaMwari.

22 Kana uchida kuyenda kwaunoda uyendezvako nekuti basa rako harina tsvina.