Guta Ra Jehova
Lesson 98

Matenga Vanoisa Vaparidzi Munyika

1 Yakanga yiri Svondo yemasikati apo Matenga vakasimuka vakati.

2 nhasi zvanzi nababa vari mudenga unofanira kusarudza vaparidzi nevatungamiri vako munyika yose.

3 zvikanzi varume vese vemudzidzvimbo dzakatsaukana simukai muende petyo nengarava yeMatenga.

4 vaka zvikogara vakati, Mutari yega Harare, Bulawayo, Chipinge, Sipolilo, Sinoia, Marandellas, Rusape, Gunde kwaka bva Matenga , Nyanga, Munyanyazi nedzimwe nzvimbo zhinji dzakatsaukana.

5 Matenga vakauya pavakanga vakagara vakaita mapato nemapato.

6 zvino baba vakanga vaine mwenje waityisa kwazvo.

7 Raiti peramira, rikatisa roti, nhingi na nhingi maitwa vaparidzi, nhingi na nhingi maitwa vatungamiriri.

8 Rayifamba richipa uparidzi neutungamiriri muvanhu varo.

9 Rakanga richisarudza rine vavhangeri ne n'anga dzeguta Beta na Jemusi.

10 Kuzoti tava mudivi , baba vakasimuka vakati, kuzondinyadzisa bedzi.

11 Ndino mupayi zvigaro zvinotyisa, bvaimi moita zvenyu zvokutamba nazvo.

12 Asi mumwe murume akanzi ndiye muparidzi mukuru weAfrica yose.

13 vamwe vaparidzi nevatungamiriri vakasarudzwa kuti vanozoita basa rokupfekesa vanhu yunifomu yemweya mutsvene nemabanire acho.

14 baba rakati tarirai muwone basa rababa rakura iye zvino.

15 vanhu vaMwari zvinhu izvi zviripano sandi zvokutambanazvo.

16 Ini ndinoti vanhu ava vakakomborerwa zvavo, vakaitwa vaparidzi nevatungamiriri.

17 Wozikanwa munyika nomudenga.

18 Kwete hwepanyama husina chiyamuro huya, tayifanira kuisa ndangariro dzedu kwakadzama vanhu vaMwari.

19 Saka baba vane madanho ne madanho, ekuti tiwone kuzopinzwa navo mukati medenga. Amen.