Kumuka Kwemuvaki WeBhiriji, Pipi Guru
1 Nerimwe zuva Matenga vanotsanangura kumuka kwemuvaki weBhiriji mumweya.
2 vakatanga kushuma nziyo mbiri, rwokutanga ndi 120 wawuya mucheki mukuru, kukazouya 127 Jerusarema musha wangu.
3 baba vanoti rwiyo urwu ini ndiri mucheki, rwakatadzikana munyika kaupenyu nevashakabvu.
4 Saka shoko rinoti zuva rinouya mukomana wokukanzura nyama nemweya wakachenjera anopfuura nemarema anopfuurawo.
5 Matenga vano ndicha tsvaga asi ndamuwona panzvimbo yaari pane gorodi nechipikirwa.
6 Ndabvunza zita rake murume ndiMikayiri mukadzi Rusiya.
7 Ivopavari vaanembasha dzinotyisa kwazvo nekuti vakashanda basa rinotyisa chaizvo.
8 Matenga vanoti munofanira kushandira zvinoponesa kwete zvivi.
9 Kwete kudarikira mirairo yeMatenga, asi Mikayiri wakashandira nemwoyo unoda akanowona nzvimbo mumusha.
10 Matenga vanoti koimi moshandira kunoraswa here.
11 Ziyayi imi nekuti makawona nzira yekuraswa nenzira yeupenyu hutsva uhu.