Guta Ra Jehova
Lesson 144

Tayifanirwai Kutsvaga Maguta Erutizviro Nguva Ichiripo

1 Pakutanga Guta raiva rimwe Guta reJerusrema musha wakanaka.

2 Bva nekuuya kweMatenga kukawangwa mamwe maguta emudenga, mumashure kwekuparadzwa kwegehena.

3 Maguta ndivo aya ekuti munhu umwe neumwe azvisarudzire nyama nemweya zvichiri pamwe.

4 Guta rababa, Guta ra mambo Jesu, Guta raJeneti, Guta ra Miriyemu, Guta re wafemberi.

5 Kozouya kuya kwematambudziko kuJeri raSatani, ne shumba.

6 Ndiwoya maguta erutizviro akarehwa kuna Joshua 20 vesi 1–9.

7 Vanodaro Matenga ndakauya kuzodzadzisa, kwete kutonga nyika. Tarisa Deuteronomio 19. 1–7.

8 Saka takawona kuparadzwa kwegehena kuti tsamba ridzadziswe.

9 Rinoti gehena richadzimwa, varikumakuva vachamuka vagotangisa kupinda mudenga.

10 Wuyezve kuti tsamba ridzadzi, swe rinoti tsvakai maguta matamhatu erutizviro.

11 Saka vose vari muGuta ra vaJehova vanoziya kuti gehena rakapadzwa.

12 vakanga vakatorwa nerukova vakaburitswa, nhasi varikufara nokupembera mukati medenga.

13 Saka muvanhu vapenyu voda kuyenda mumaguta aya voyenda.

14 Voda kuraswa voraswa, asi hayichiri mhosva yegwayana, asi matsamba evaporofita adzadziswa nhasi.

15 Ngariropafadze mashoko aya nekusingaperi. Amen.