Varoyi Vanozziratidza Pachena MuGuta Ra Va Jehova. Pipi Guru
1 Akati mangwanani muGuta vanhu vapinda mudivi Matenga vakauya mudivi .
2 Zuva iroro kwakaitika pipi guru risakambowoneka mukati menyika.
3 Kuti varoyi vano woneka masikati vachizviratidza kuti isu tiri varoyi.
4 Tinoroya vanhu tichivadya takaroya vakati munyika.
5 Matenga vamire pamberi pevadzidzi varo rapedza kurapa rikati.
6 Woda kupona wopona, woda kuraswa woraswa, woda kununudzwa wonunurwa iye zvino.
7 Pekarepo ndakawona Matenga vachisvetuka apa neapa rizere nemasimba edenga.
8 Richimhanyira kwakanga kuina vana pitrosi richienda kwakanga kuina vana Mariya.
9 Ipapo vanhu vazhinji vakabudirwa nezvifananidzo ne mashayi akatsaukana.
10 zvifananidzo izvi zvayiva zvehun'anga, ngozi zvevanhu vapenyu, zvehupombwe, nezvehuroyi, nezvimwe zvizhinji zhinji.
11 Ipapo vanhu vakanga vagarwa nemadhimoni ehuroyi vakatangisa kusimuka wo.
12 Varoyi ava vakatangisa kubisa mbatya dzavo vakasara nezvemukati bedzi.
13 Pasina vakanga avawudza vachiti nhasi tinodai kumuudzai marovero atinoita.
14 zvino vayifamba nediwi rose vachizviratidza vachitenderera.
15 Mukati umu mayiti varoyi evakadzi mukati varoyi evarumewo nevana vadiki vose.
16 Vese ivavo vakanga vatogarwa nemadhimoni ehuroyi vachiedzerera kuroya kwavanoita vanhu husiku.
17 Varoyi vavo vakanga vari gumi nevatatu zuva iroro.
18 Vanodaro Matenga vawona izvi Vafunga zvipi mukati memwoyo wako iye zvino?
19 nhasi mukunda ne mukorore weAfrica vakambomuwona kupiko muroyi anoroya nemasikati.
20 Hamushamiswi here nemabasa makuru anoitwa naBaba mukati menyika
21 Ichi chakava chishamiso chikuru kwazvo kune vanofunga.
22 Kune anenge azvipira ngedi pamberi peMatenga, huroyi hunobiswa chose neMatenga muGuta umu.
23 Kwete kune vaye vanoda kunyengedza asi zvose zvinonge zviri pachena pamberi pe gwayana .
24 ndivo vaye vanenge vachiwonekazve neMatenga vachimuka koroyazve.
25 Kana vodurirwa nechiporofita vogumbuka, asi rinenge richitoitira kuti upone zvako.
26 Mwari haanyengedzwe anoziva zvose, nechakahwandika zviri pachena kwaari. Amen.