Guta Ra Jehova
Lesson 57

Tsananguro Yerwizi Deura Pipi Guru

1 Mazuva ivavo ekuburitswa kwavo neMatenga.

2 Kwakati Matenga vamire pakati pechita chavo vazere nemasimba edenga.

3 Matenga vakati nhasi pane zvizviyiso zvikuru kwazvo.

4 Pakaimbiwa kutanga rwiyo 120 wawuya mucheki mukuru pakayimbiwa kwazvo, Matenga vakati zarurayize 121 munanzi urikudenga, Matenga vaka paridza kwazvo.

5 vanhu vakayimba vachiti vakauya mucheki vakaburitsa nevayiva mugungwa.

6 Vapedza pakasimuka vamwe vatatu wavakayenda navo vakapupurawo nerwendo irworwu.

7 Vapedza baba vakatora chari yavo yinonzi shumba vakapangidza kucheka kwayaita.

8 vakaburitsazve yemuchinjiko, yakakonetsa vana machingura kuti varegeku zvouyazve.

9 baba vanoti ndawona mvura yawashoma, nemasayiriri acho ava mashomanoni.

10 Asi vana machingura vaveredzwa vese sezvo vayizoitira vamweni murukowa irworwo.

11 Pane zvizhinji zvakaitwa izvo handisi kuzvinyora zvose pakaitwa mashura nezviratidzo parwendo urwu tisaite zvekutamba neizvi kwete vanhu vaMwari ngatibatisiseyi icho takawona pachena tose.