Kufumurwa Kwezvinhu Zvose Munyika Yesinoya
1 Tava munyika yeSinoya zviro zvose zvakanga zvakaremera nyika iyoyo, nezvayinamatwa vanhu veikoko zvakaiswa pachena.
2 Ne mhondoro dzose dzainamatwa dzakaiswa pachena.
3 Mvura yakanga yichida kunaya zuva iroro rekutanga nerechipiri nechitatu.
4 Matenga vakati vanangu ndiri kufamba mukati memvura.
5 Wuye ndawona vanhu vandakabata pamusoro vari kuuya vakawanda kwazvo.
6 zuva reChina neChishanu ndakawona vanhu vakawandisa.
7 vamwe vayibva Sipolilo vamwe Harare, izvi zvakadzadzisa zvakanga zvarongwa nemweya.
8 Chishamiso ngeichi mukunaya kwemvura yose yakange yichinaya ikoko.
9 Matenga vauya mudivi vakati mvura yiri kunaya iyi sandi yava Jehova kwete.
10 Asi ndeyedzimhondoro dziri kuno kufanana neye kuSipolilo iya.
11 Saka ndidzo dziri kunayisa mvura yose iyi.
12 Matenga vakati ndichati ndataura naBaba vaJehova vanondizwa wani nguva dzose.
13 Varanda vaMwari apa pakanga paita mapisi kuti zvaanoti vakatumwa wani kubva mudenga.
14 Timudzinge munyika yino tizosara tooti kuvanhu, zvaanotize ndakauya kotakumutandanisa wani nemvura.
15 Nyamba Dzakanga dzisinga zvivi kuti ndiMwari wadziri kuitana naye mapise
16 Matenga vakati paurefu hweusiku ndirere ndawona n'anga dzacho dzichiuya dzemhondoro.
17 zvino ndataura nadzo ndikadzinyengetedza ndikati kohamudi here kupinzwa mudenga.
18 Vakati ndawona mhondoro iyoyo yichiitamba chaizvo mukati memvura.
19 vanhu vaMwari hapana chakawandika pamberi pegwayana zvese zviripachena.
20 zvino mhondoro idzodzo dzakaburitswa dzikataura zvizhinji dzika kwidzwa kudenga.
21 Guta iroro rakanga rakavakirwa pedyo negomo rinonzi nyashoko raiva kumadokera.
22 vanhu veikoko vakanga vagadzira kudya kwakakwana chaizvo.
23 vanhu vaMwari munyika iyoyi yaka itwa mushura nezviratidzo Zvisakamboitwa munyika.
24 Bedzi vakatuya muidi vanhu vaMwari, ngatitendenyi nguva yichiripo. Amen.