Guta Ra Jehova
Lesson 176

Kusimuka Kwevanhu MuGuta Kwenda Kwazimba

1 Vanhu zuva iroro havana kuzorara muGuta kwete, kunze kweavo vakashaya chokufambisa nacho.

2 Asi mwoyo yavo yayidisa kunowona pakaiswawo musiki wavo.

3 Asi kunze kwewaya vaiti dayi zvachipera, ndivo vaya vayi pomba, vairoya, nekugumbuka, mumwoyo yavo.

4 zvichida ndivo vana Juda vakakonzera zvose izvi.

5 Vanhu ivava havazogumi kuparidza kwete.

6 Asi ngoma, nemureza nenyere, nedoropito acho zemasoja zvakaendawo.

7 Vanhu vakasvimuka muGuta vakayenda ikoko misodzi yiri padama.

8 Myura yakanga yechinaya zvaityisa chaizvo, nedenga rose rakanga rechipenya zvaityisa chaizvo.

9 zvino ngarava yeMatenga yakatanga kusvika ipapo kunze kwava kuyedza, dzimwe dzikazoteerawo.

10 Asi yasvika paibvavo ne vamwe vaiti tiri masoja.

11 Vakati muJipi murikunhuhwa vvchiipfira, ndopakabva pakuvara murume iyeye, takatozowona ropa royerera.

12 Vanhu vese vaiwuya vachipinda mumba iyoyo yakanga yirere Matenga .

13 Vaiti wapinda imomo vayita raini, munhu umwe neumwe aizoratidzwa uso hwavo Matenga .

14 Vamwe vaiwona zvishamiso nezvityiswa imomo, nyangwe ne mudiki wose.

15 Wuye maipenya mungarava imomo, mwaityisa ngezvishamiso vanhu vashe.

16 zvino paZvimba ipapo pakanetsa, wuye pakaitirwana nharo chaizvo.

17 Vamwe vakayenda kwa Nyamushanya vachienda vachidzoka.

18 Asi ivo vaNyamushanya havana kuuya kwete pakanetsa chaizvo.

19 Vamwe vakasimuka vakayenda kuGuta vakasiya Matenga vasati vakotswa.

20 Asi vamwe vakapisikana pamwoyo yavo vakapetuka vakavona kukotswa kweMatenga.

21 Vanoziya panoziya Bishi ne mhere mhere yakanga yiripo ipapo, pamazuva ivavo.

22 Ndozve panoita pasimuka munhu mukuru, bedzi pakatsika rekutanga ndopanotsika reshure.

23 baba ngaropezadze aya mashoko avo nekusingaperi Amen.