Kupihwa KweMatenga Imba
1 PaSvondo irori raiva zuva guru kwazvo.
2 Pakati zuva rodoka pasvondo yenguva idzodzo, muchato wapera.
3 Varume nevakadzi vakapfeka nguwo dzavo dzeyunifomu.
4 Kwakauya murungu L.D.O. adaidzwa pamwe namambo L.D.O. anoti ndafara kwazvo ndichiwona muchigara zvakanaka nerunyararo paGuta rakakura rakadai, muchigara nerunyararo rwakadai.
5 mambo Zimunya vanoti nejinda rake Gombakomba tinotenda nebasa ririkuitwa pano.
6 Nesu zvatishamisa kuwona Guta rakakura zvakadai nekugara zvakadai pane ndudzi nendudzi.
7 Varume veGuta vekomiti, vakasimuka vakataura nekuvakwa kwemba yeMatenga.
8 Vakataura vakaturira kuna mambo kuti apa baba imba yavo.
9 Mutungamiriri weGuta raJehova Mr. Nyakunu akatendesa nekuvakwa kwemba yeMatenga.
10 Vakaudzavo kuna L.D.O. nevese vakanga varipo vese.
11 Mufundisi wegunde akataura nebasa remweya mutsvene akauya nemuporofiti.
12 Anoti kana tapinda mumba imomo, titi Mwari tipinzeyiwo mudenga renyu.
13 mambo Zimunya vakasimuka vakati, ndagutswa zvikuru nezvandawona.
14 Akati mashoko angu anozobvawo muna muprofiti Hagayi 2. 1-9 peji 844.
15 Ndimo mune mashoko andinopupura navokana kutsingira nawo.
16 Ndichitambidza Matenga imba yake kwakapihwa kiyi mambo , asi mambo vakapa kuna L.D.O. vakayenda vese kwaiva neMatenga mumba yavo yemahadipepa.
17 vanhu vese vaiyimba rwiyo 100, Ishe taugana.
18 Vasvika paimba ipapo, Matenga vakaudzwa kuti vauya kuzozarura imba yenyu.
19 Matenga vabuda vakayenda vese kuimba itsva.
20 Vasvika va L.D.O. paimba itsva iyoyo, vakazurura gonhi remba yeMatenga.
21 Vapinda kwakadyiwa mana.
22 Kuzoti vapedza kudya mana.
23 Kwakapangidzwa basa rwaMatenga kuna va L.D.O. naMambo Zimunya, Guta rakafara kwazvo rose.
24 vamwe vakabvisa zvipo zvekuzarura imba yeMatenga, pamwe namambo vakabvisawo chake.
25 Kwayiimbiwa vamwe mugomo vamwe muGuta, vamwe pamba yeMatenga, vamwe wachimacha semasoja arikuyenda kuhondo.
26 Zikatyisikana nemwoyo wangu, zvikashamisa kwazvo.
27 Mutonderei kuti kanawapinda mumba umu muti Mwari tipinzeyiwo mudenga renyu.