Guta Ra Jehova
Lesson 24

Kusumuka KweMatenga PaGuta Ravo

1 Matenga vakatora vanhu vavo avo vakanga vachidisa kuti vayende navo.

2 vakatora motokari yaChakanyuka ne yaMakuyana.

3 Motokari idzi dzanga dzine vanhu vaitevera Matenga , avo vayiti paanofira ndopatinofirawo.

4 vakanga vaine mwoyo mumwechete.

5 Kwete mwoyo unogaba gaba.

6 Asi Matenga vaiva mumotokari ya Mr. Chakanyuka ayidhiraivha ndiye Chakanyuka wacho.

7 Makuyana newampe wo vanhu.

8 Vaiyimba (Wona vanhu vako Mwari kudza dzose nguva unovachengeta iwe) vakandoraira muHarare.

9 Kuzoti vaenda kwaMurehwa, asi shoko rakanga razikaka reMatenga ngavauye kuno kwaMurehwa.

10 Matenga ndokubva vayendako. Vasvikako vakanowonana ne Ngosi yemo.

11 Ngosi yemo yinoti hameno mambo Mangwende kuti anotinyi asi ini ndabvuma zvangu.

12 Kuti ayite basa rake muno.

13 Asi vakanga vafana vatovaka tudzimba tuduku kare Matenga vasati vauya.

14 Kuzoti avamangwana kwatosvika shoko kare kuna mambo Mangwende richiti usamupe dzimbo ikoko ramba.

15 Izvozvo zvakabva kune vakanga vachiti Matenga vasabva paGuta ravo.

16 mambo Mangwende vanzwa kudaro vakazowona neMatenga, vakati kwavari, hapana nzvimbo yako Matenga muno munyika yangu.

17 Kana kuti unamate zvako handidi nekuzvinzwa kana muteuro wazvo, ino inyika yangu.

18 Unofanira kuti udzokere kwawabva, muno handidi.

19 Matenga vaiva na S. Mhundwa naMai Chiromo naBaba Chiromo naMai Maocha, vakawonana neNgosi yekwaMurehwa mumangwanani.

20 vakati vabvako vakawona, mudzimai wa S. Mhundwa asinunguka mwana wemusikana mumusasa wevainga vari.

21 Asi wakosi kobva nerukuvururo nyoro nyoro.

22 vakayenda narwo kwaUmtali.

23 Wakanga urimusi weChishanu vakasvika kwaMambo Zimunya ava manheru usiku.